Ndima 2

1 Nazvo iwewe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu. 2 Izvo zvawakazwa kwendiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanokona vo kudzidzisa vamweni. 3 Utambudzike pamwepo neni, semurwi wakanaka waKristu Jesu. 4 Akuna munhu unorwa papfumo unozvipinganidza nemabasa ehupenyu wuno, kuti akone kufadza uyo wakakokera kuhondo. 5 Nomunhuvo kana achivivana nevamweni, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa. 6 Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko. 7 Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazviro zveshe. 8 Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu, 9 yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa semunyangadzi; asi shoko raMwari arina kusungwa. 10 Saka ndinotsungirira pazvinhu zveshe nokuda kwavakasanangurwa, kuti navo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwepo nekugwinya kusingaperi. 11 Izwi iri ngeregwinyiso: Kudai takafa pamwepo naye, tinozoraramazve naye. 12 kudai techitsungirira, tinozotongazve naye; kudai techimuramba, ena unozotirambawo. 13 kudai isusu tisikagondeki, iye unogara akagondeka, ngokuti aakoni kudziramba. 14 Uwayevudzire zviro izvi, uwaraire pamberi paMwari, kuti varegere kuita nharo dzisina maturo, zvinongoparadza vanozwa. 15 Shingaira kuti uzvikombedze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonasa kukoshesa shoko rechokwadi. 16 Nzvenga kureketa kusinehanya naMwari; nekuti vecharamba vechingonyanya pakusanamata Mwari. 17 Neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto. 18 Avo vakarashika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwevamweni. 19 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinoramba, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; uye: Mumwe nemumwe unodhaidzira zita raShe ngaabve pakusatendeka. 20 Muimba huru amuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi imwe yematanda vo, neyevhu; imwe inokudzwa, imwe isingakudzwi. 21 Nazvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazviro izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa eshe akanaka. 22 Asi tiza kuchiva keujaya, uvinge kunaka, nekutenda, nerudo, nerugare, pamwepo nevanodana kunaShe nemoyo wakachena. 23 Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. 24 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu veshe, unoziya kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakashata. 25 Ena unodzidzisa nounyoro avo vanomudziisa, kuti zvimweni Mwari avape kutendeuka vazoziya chokwadi. 26 Vapengenukezve, vave pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye.