Ndima 4

1 Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, ena uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake; 2 paridza shoko; ramba wechidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. 3 Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakanaka, asi, vechida kufadzwa panzee dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, 4 vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vechipaukira kungano. 5 Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa remuevhangeri, upedzise basa rako. 6 Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika. 7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; 8 kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokunaka, yandichapiwa naShe, Mutongi wakanaka, nezuva iro; ndisini ndega, asi neveshe vanoda kuuya kwake. 9 Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwendiri. 10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia. 11 Ruka ega uneni. Tora Mako uuye naye nokuti unondibatsira pabasa. 12 Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. 13 Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe. 14 Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakashata zvizhinji; Ishe uchamubadara nge mabasa ake. 15 Newevo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu. 16 Pakuzvidavirira kwangu kekutanga kwakanga kusina munhu wakandibatsira, asi veshe vakandisiya. Ngavaregere kuravirwa izvo. 17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. 18 Ishe uchandirwira pamabasa eshe akashata, uchandiponesa ndipinde hushe wake wokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. 19 Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. 20 Erasto wakasara paKorinde, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara. 21 Shingaira kuuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose vanokukwazisa. 22 Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni.