Ndima 12

1 Nayezwo ndinokumbira ngamanda kamuli,hama jangu, nevhusiwana hwa Mwali, kuti muyese mimbiri yenutshivhe tshimbayiro,tshipenyu, tshitswene tshino faja Mwali. Ndiko kurabhira kenu kemoyo. 2 Musa ezanisiwa nenyika yeyi, asi musandugwe fungwa jenu Kuti muyeje muzivhe kuda ka Mwali kakanaka, kunofaja kakakwana Mwali. 3 Nokudaka makombolelo andakapiwa ndinovhuja umwe noumwe ulipakati penu:Alege kuzwifunga kukugwane,kupinda pano faningwa kufunga napo, asi afunge nokufunga kakatanya, umwe noumwe netshiyero tshokutenda sezwakakovhegwa na Mwali. 4 Nokuti sezwatinemitezo yakawanda pamimbiri yedu, asi mitezo yose hayina basa limwepeji loga. 5 Nayezwo isu , tiri vhanjitiri umbiri umwepeji na Khirisito , umwe noumwe ali utezo wavhamwe. 6 Tinezwipo zwakasiyana patakapiwa makombolero napo.Kana kuli kuporofita ngati porofite zwakayezana nokutenda kedu. 7 Kana tshiri tshipo tshoku shumira , nga shumire.Kana umwe ane tshipo tshokugudisa, ngagudise. 8 Kana tshiri tshipo tshoku layijira, ngalayijire.Kana umwe ane tshipo tshokupa, ngape nemoyo wose.Kana umwe ane tshipo tshovhukugwane, ngabate nokukozerera.Kana umwe ane tshipo tshokuhwira vhusiwana,ngayete noufalo. 9 Ludo ngagulege kuvha nokutshutshuja.Vhengani zwakayipa;enderani pandda nezwakanaka. 10 Kana guli ludo pakati pehama, dananani noludo.Tungamirinanani,kujani umwe. 11 Lugani kuvha novhu simba pakutambujika pasina pamwiya.Batirani Ishe,muushumire. 12 Falani pataliro, kozererani pakutambula, tengesekani pakurabhira. 13 Kovhanani na Mwali pakukonwa sumbijirani zira jakawanda musumbijire ludo. 14 Kombolerani vhanomutambuja;kombolerani musatuka. 15 Falani navhanofala;lirani navhano lira. 16 Ivhani nomoyo umwepeji pakati penu.Musatswaka zwinolumbijiwa,asi muyendejane navhano zwitukupaja.Musati pamoyo yenu makatanya. 17 Musatshivhija unhu tshakayipa ne tshakayipa.Etani zwakanaka panda kavhanhu vhose. 18 Kana zwitshi yeta,pamunokona napo, galani nolugale navhanhu vhose. 19 Musatshivhija,vhadikamwa, asi mujivhulire kutshamwa ka Mwali.Zwakanwagwa,"'Kutshivhija ndikangu;Imi nditshalipira,'ndizwo zwino levha Ishe." 20 Asi "'kana uvhengi uwo anezala,uupeyi tsho kudla.Kana ane nyota,uupeyi zwokunwa.Nokuti kana utshiyeta iyezwo,utshatutira masimbe emoto pausolo uwe."' 21 Usakundiwa nezwakayipa,asi ukunde zwakayipa ne zwakanaka.