Ndima 2

1 "Mwalirani utumwa wegereke iri pa Efeso: 'Kayi naiye ukabata nyereji shanu na mbiri muluvhoko gugwe goludli unoyenda pakati pezwigajiko zwetshilamba, zwishanu nazwivhiri, 2 "Ndinozivha mabasa awo, nokutambula kuko, nokukozerera kuko,futhi kuti haudi kuvhona na navhanhu vhakavhipa, ukavhayeja ivho vhanoti tiri mapositoro vhasi ivho vhovhukuma, ukavhawana vhali vhamanyepo. 3 Ukakozerera novhanemoyo ulefu nekuda kezina langu, usinganyali. 4 Asi handi fali netshinhu hetsho kawuli kuti ukasiya ludo gugo gakutanga. 5 Nayezwo funga paukawa.Utendevhuke ukoyeta mabasa awo okutanga.Kana usingayeti sayezwo,nditshavhuya kaulindikobvisa tshigajiko tshitsho tshetshilayiti pa vhugalo hwatsho. 6 Asi tshinhu hetshi unatsho:Unovhenga mabasa avha Nicolaitans, andino vhenga nemivho. 7 Unezevhe,ngaahwe zwinolevha Mwayi wegereke.Unokunda nditshautendera kuti adle uti wovhupenyu, ulimuparadiso ya Mwali." 8 "Mwalirayi utumwa wegereke iri pa Smyrna: 'Kayi naiye wokutoma nowokupejisira, wanga afa akapira futi: 9 "Ndinozivha mabasa awo nokutambula kuko novhulombo huho, asi uli ufumi.Nokutuka kayivho vhanoti tiri vha Juda, asi havho tshayivho.Asi isinagogo la Satani. 10 Usingohla hezwo zwautsha tambula nazwo.Talira! Dadurosi oda kuyesa vhamwe vhenu mujere kuti vhayejiwe, mutshatambula mazuvha gumi.Uvhe ukatendeka kuswika pakufa, ndikokupa korona yovhupenyu. 11 Unezevhe, ngaahwe zwinolevha Mwiyakugereke.Unokunda hangakuvhajiwi nelufu gwavhuvhiri." 12 "Mwalirayi utumwa ulipagereke iri pa Pergomum: 'Kayi nayiye unepfumo lino pinja linotsheka kose: 13 "Ndinozivha zivha mabasa awa futi nepawunogala, ndipo panetshi golo tshe vhushe tsha Satani.Wakabatisisa zina langu.Usingalambi kutenda kangu,tshero panemazuvha aAntifasi thanzi yangu, unhu wangu wakatendeka, ukavhulawa pakati penu, hapo pano gala Satani. 14 Asi handifali nezwimwe zwinhu zwituku kauli:Nokuti unavhamwepo vhanobatisisajijiso ya Balaam,uka gudisa Bharaki kuyesa tshikakisi panda kevhana vha Izirayiri tshokuti vhadle zwakabayigwa zwifananijo nokuyeta vhupombwe. 15 Nokudlalo,unavhamwevho vhano batisisa jijiso yavha Nicolaitas tshinhu tshendino vhenga. 16 Nayezwo tendevhukayi, kana! Usingayeti, sayezwo, nditsha tavhanya kuvhuya kaali, ndikogwa navho nepfumo loulomo wangu. 17 Unezevhe, ngaahwe zwinolevha Mwiya wegereke.Unokunda, nditshaupa mana yakajumbama, futi nditshamupa ihwe jena iro likanwagwa zina, lisinga zihwi nounhu asi nayiye unolipiwa." 18 "Mwalirayi utumwa wegereke iri pa Thyatira: 'Kayi ne Mwanatukana wa Mwali,unemeso akafanana noudugo wemoto nesoka jije jikayeta se inopenya: 19 "Ndinozivha mabasa awo:Neludo ne kutenda nokushumira nokukozerera kuko.Futi kuti mabasa awo okupejisira anopinda akutoma. 20 Asi handifali netshinhu hetshi kauli:Kuti unotendera uya unhukaji Jezebel, unozwiyeja uporofita wounhukaji.Futi unogudisa nokupamusa vhalanda vhangu kuti vhayete vhupombwe nokudla zwakabayigwa zwifananijo. 21 Ndikaupa tshikati kuti atendevhuke, asi akalamba kutendevhuka pakupombwa kuke. 22 Talira!Ndinod kuuposera panhovho vhanoyeta vhupombwe naye panhamo hugwane, kana vhasinga tendevhuki pamabasaavho. 23 Navhano vhavhe nditsha vhavhulaya nelufu, negereke jose jitsha zivha kuti ndimi ndinosetsha zwemufungwa nezwemumoyo.Nditshapa umwe noumwe paaka shuma napo. 24 Asi kamuli imwi mukasala pa Thyatira, vhose vhasina jijiso heyi vhasinga zivhi hezwo zwavhanoti zwakajika zwa Satani ndioti kamuli, 'Handingakuhxwiji umwe uhxwalo.' 25 Asi, batisisani yezwo zwamunazwa kuswikira nditshi vhuya. 26 Unokunda atshitshengeta mabasa angu kuswikira pakupejisira, nditshaupa simba panyezulu pamaluji. 27 'Utshamulisa neswimbo yedale, sehali jouvhumbi jino hxwasikanyiwa.' 28 Sezwandakapiwa na Bhabha vhangu, futhi nditshaupa masase yamangwanana. 29 Unezevhe, ngaahwe zwino lehwa na Mwiya kugereke."