Ndima15

1 "Ndimi uti ukugwane,Bhabha vhangu ulimi. 2 Matavhi ose asina vhana unoma bvisa,ndikokuti uti u bhebhe utshera wakawanda. 3 Makatshena nokuti makabhata ulayeja wandakamuvhuja. 4 Galani mandiri, Imi ndiri mamuli.Sedhari halingayeti utshero liriloga asi linamamwe matavhi. Unogala mandiri nemi ndinogalama ali. 5 Ndiri uti ukugwane. Ulidhavhi langu ulipandiri nemi ndiri paali,dhavhi lino u tshero wakawanda,pasina imi hapana zwaungayeta. 6 Kana pasina ano gala mandiri,nditsha kupasa kule sedhavhi lakaoma,nditsha ukuvhanganga ndika posa pamoto,akatswa. 7 Kana uli kandiri, namahwi angu ali mauli, kumbirani zwamuda mutshayetengwa. 8 Bhabha vhangu vhanokujiwa nayezwo,kuti mubebe mitshero yakawanda guthi mutshavha vhatevhereri vhangu. 9 Bhabha sezwavhakandidha,nemi ndakamudha,galani muludo gwangu. 10 Kana mutshi tshengeta milayo yangu,muchagala muludo gwagu,seminda yitshengeta milayo yabhabha vhangu,nditshigala muludo gwavho. 11 Zwinhu iyezwi ndakazwilevha kamuli,kuti ufalo wangu ugale mamuli,no ufalo wena uzale. 12 Uyu ndiwo ulayo wangu,kuti madhane,seni ndakamudhana. 13 Hakuno unhu unoludo lukugwane panahongu,kuti unhu alasire hama jije vhupenyu huhwe. 14 Uli ugana wangu kana ukayeta zwinhu zwandakakuvhuja. 15 Handitshamuyeta vhalanda nokuti ulanda hazivhi zwinoyehwa na Ishe uwe,ndinoti vhagana,nokuti zwose zwanda kahwa kaBhabha vhangu ndakamuzivhisa izwo. 16 Hamuna kundivhetha,asi imi nda kamukhetha kuti muvhe nezwibebo,vhuye kuti zwibebo zwenu zwigale.Kuti tshinhu tshipiyo netshipiyo tshamunenge mutshikumbira Bhabha vhanomupa muzina langu. 17 Ndizwo zwando mulaya,kuti mudhanane. 18 Kana nyika itshimuvhenga muzivhekuti yakandivhenga imi,isanhu yamuvhenga. 19 Kana manga muli vhenyika, nyika yayida vhayo,zwino zwamasanhu mavha vhenyika,asi imi ndakamulondejera panyika,saka nyika inomu vhenga. 20 Langalirani masoko andakalevha kamuli,nditshiti,'Ulanda hasi ukugwane kuna Ishe uwe? Kana vhakanditambuya vhakanditambuja imi,vhatsha mutambuja ne mwivho; vhakatshengeta soko langu vhatsha tshengeta nelenuvho. 21 Asi yezwi zwose vhatshamuyetera nekuda kezina langu,nokuti havha zivhi wakandituma. 22 Deni ndisina kuvhuya ndikalevhereka navho vhayideni vhasingazivhi tshivhi. 23 Unondivhenga imi unovhenga naBhabha vhangavho. 24 Deni ndisina kuyeta pakati pavho,vhayideni vhasina awivhi,Asi zwino vhakavhona,nokundivhenga imi neBhabha vhangu. 25 Asi zwakayehwa nokuti soko laka nwangwa paulayo wavho liyeteke linohwi,' Vhakandinyala ndisina ulandu.' 26 Kana Unyalaji avhuya wanditshatuma kamuli,atshibva kuna Bhabha,iye,Mweya wevhukuma,unobhudha kuna Bhabha-utshandipupulira. 27 Nemwivho,pupulani nokuti manga munemi kubva potanga.