Ndima 3

1 Tinotanga kulumbijiwa kamuli futhi naa?Totswaka naa lunwalo ngunoyenda kamuli, kana gunobva kamuli, sevhamwe vhavhu, tingalimbijiwa? 2 Imwi muli lunwalo gwakanwagwa mumoyo yedu, gunozikanwa nokuvhagwa navhanhu vhose. 3 Makavhoneka kuti muli lunwalo gwa Khirisito, gwakagajigwa nesu.Gusina kunwagwa ne ingi asi ne Mwiya Utswene wa Mwali.Gusina kunwagwa pamoyo weihwe, asi mumoyo wounhu. 4 Kutenda kakadlali tinako kuna Khirisito kusanhu kavha Mwali. 5 Hatiti takakwana isu timene kuti titeme tshinhu timene.Asi, kukwana kedu kunobva kuna Mwali. 6 Ndi Mwali wakayeta kuti tivhe vhalanda vhesungano itswa.Isungano itswa isi yolunwalo asi ndiye Mwiya.Lunwalo gwakanwagwa zwinovhulaya,asi Mwiya unopa vhupenyu. 7 Zwino kana kushumira kakavhuyisa lufu kakatemwa nolunwalo gwemahwe - gwakavhuya nokupenya kakadlalo kevhanatukana vha Izirayeri vhkakonwa kutala kumeso ka Mozisi.Nokuda kokupenya ketshiso tshitshe,kangakutshi phenyesesa. 8 Saka kushumira ke Mwiya hakugavhi nokupenya kukugwane naa? 9 Nokuti kana kushumira kokutongisa kakavhuyisa kupenya kukugwane,seni kushumira kokolulama kutshakunda pakupenya! 10 Nokuti,nayitsho tshakapenyisa hatshina kupenyisa kana patshinhu itshi, titshifananija nokupenya kunokunda. 11 Nokuti kana itsho tshinopinda tshanga tshiri tshokupenya,zwikugwane seni itsho tshinogala itsho tshiri pakupenya! 12 Nayezwo zwinetalisiro, yakadlalo tinolevha tisingahli nepatuku. 13 Tisingayeti sa Mozisi,wakayesa tshifukijiro kumeso kuke kuti vhana vha Izirayeri vhalege kutalira vhukuma kuguma kezwi nopenya zwitshipinda 14 Asi vhakakhwatisiwa mufugwa javho.Nokuti kuswiki pa zuvha lanasi, pavhayivhala thesitamendi yakale,tshifukijiro tshinogovhapo.Hatshina kubvisiwa, nokuti muna Khirisito tshofanigwa kubvisiwa. 15 Asi nanasi, kana Mozisi atshivhala,tshifukijiro tshiripo pa moyo yavho. 16 Asi kana unhu atshitendevhukira kuna Ishe, tshifukijiro tshinobvisiwa. 17 Zwino Ishe Mwiya.Zwino pane Mwiya wa Ishe,ndipo panesununguko. 18 Zwino isu tose,tiniti titshatalila nemeso asina kuthivhijigwa, kupenya ka Ishe.Tino sandugwa titshifanana noufananijo iyowo titshibva pakupenya kumwe titshiyenda kune kumwe kupenya,sezwinobva kuna Ishe, iye Mwiya.