Ndima 3

1 Ishoko leshuwa:lokuti kana unhu atshitswak basa lovhutaliri,unoda basa lakanaka. 2 Nayezwo utaliri unofanira kuvha unhu uneulayo wavhudi. Unofanira kuvha ulume woukaji umwepeji.Unofanira kuvha asina tshaangapomegwa, akathanya,atshizivha,ane ugaliro wakafanira,unoyeta vhapfumba ludo.Unofanira kuzivha kugudisa. 3 Asingadi wayini, usingagwi, anemoyo unyolo,asina khanimusingadisi mali. 4 Unobata ngumba iye zwakanaka, anevhana vhanozwiyesa pasi nougaliro wose unokujiwa. 5 Kana unhu asingazivhi kubata ngumba,iye angatshengeta seni gereke ya Mwali? 6 Asavha utendi utswa kuti alege kuzwikuja akawira mukutongwa na satani. 7 Vhuye futhi unofanira kupupuligwa navhali kuze kuti alege kuyejiwa noku batiwa nemisungo wa Dhiabhorosi. 8 Sayezwovho, vhashumiri ngavhavhe vhanokujiwa, vhasina mahwi mavhiri.Vhasingadi wayini yakawanda vhasingaliri fuma yakayipa. 9 Vhanotshengrta zwakavhanda zwokutenda muhana yakanaka. 10 Nayivho ngavhatange nokuyejiwa, ivho iyapo pashumire kana vhasina tshavha ngapomengwa. 11 Sayezwo, navhanhukaji ngavhavhe vhano kujiwa, vhasingadi vhanwe,vhakaswinula vhakatendeka panevhose. 12 Vhashumiri ngavhavhe vhalume vhano ukaji umwepeji.Vhano bata vhana vhavho nengumba javho zwakanaka. 13 Nokuti avho vhakashumira zwakanaka vhanozwiwanira zina linokujiwa nokukozerera kukugwane pakutenda kavho muna Khiristo Jeso. 14 Zwinhu izwi ndinokunwalira nditshiti, nditshatavhanya kuvhuya kauli. 15 Zwino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzivhe kuti vhanhu vhanofanira kuyenda seni mungumba ya Mwali, iyo gereke ya Mwali upenyu, mbiri netshitshigiro tsheshuwa. 16 Hakuna angalamba kuti tshakavhanda tshokurabhira tshikugwane tshayiko tshokuti:"Iye Mwali wakasumbijigwa panyama,wakalulamisiwa pa Mwiya wakavhoneka navhatumwa,wakapalijiwa pakati pavhahedeni,wakatendiwa panyika,wakakujiwa mukupenya."