kubva pakuparara kwemadzibaba, zviro zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwekusikwa.
5 5 Nokuti vanokanganwa kuti kare denga raingapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; 6 nazvo nyika, yaingapo nguva iyo. Yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa. 7 Asi denga riripo zvino nenyika zvakavigirwa moto neshoko rineri zvinochengeterwa zuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari. 8 Asi vadikanwa, musakangamwa chiro chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita semakore anechuru, nemakore anechuru, sezuva rimwe. 9 Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti veshe vasvike pakutendevuka. 10 Asi zuva raShe richavuya sembavha. Naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvechipiswa, nenyika nemabasa ari mairi achapiskwa. 11 Izvi zveshe zvazvichaparadzwa saizvo, imwimwi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kuramama muhutsvene nekunamata Mwari, 12 imwimwi munotarira nokushuva vo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa. 13 Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kunaka mazviri. 14 Saka vadikanwa, zvamunotarira zviro izvi, shingairai kuti muwanikwe naye munerugare, musinaruvara, musinamhosva. 15 Mwechiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hamayedu inodikanwa, akamunyorera vo nekuchenjera kwaakapiwa.
16 Sezvaanoreketa mumwadhi dzake dzeshe pamusoro pezviro izvi; madziri munezvimweni zvikuku kunzwisiswa; zvino minamiswa, semamwe magwaro vo, nevasingazivi nevasinesimba, kusvikira vaparadzwa. 17 Nazvo, imwimwi vadikamwa, zvamunoziva zviro izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashkwa nekupauka kwevakashata, muwe pakusimba kwenyu. 18 Asikurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokugwinya zvino, nokusingeperi. Ameni.