Ndima 1

1 Simiyoni Petro, muranda nemuapositora waJesu Kristu, kunewakagoverwa kutenda kumwe kuda nekwedu, kunokosha, nekunaka kwaMwari wedu neMuponesi Jesu Kristu. 2 Nyasha

ngadzive nemwi nerugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu.

3 Nekuti nesimba reuMwari wake takapiwa zveshe zvinodikanwa paupenyu nepakunamata Mwari, nenzira yokumuziva ena wakatidana nekugwinya kwake nekunaka. 4 Akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura, kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nekuchiva. 6 5 Ngekuda kwazvo, chingirirai muku wedzera kunaka pakutenda kwenyu, nepakunaka wedzera kuziva; v 6 nepakuziva, kuzvidzora; nepakuzvidzora, kutsungirira; nepakutsungirira, kunamata Mwari; 7 nepakunamata Mwari, kuda vatendi, nepakuda vatendi, rudo. 8 Kana zviro izvi zviri mamuri, zvechiramba zvichiwanzwa, zvichamuita vanhu vasinausimbe nevasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. 9 Nokuti munhu, usina izvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi. Wakangamwa kusukwa kwezvichaichi

zvake zvakare.

10 Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudamwa nokusanangurwa kwenyu. Nokuti kana mwechiita izvi hamungatongogumburwi. 11 Nokuti muchazviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muhushe usingaperi WaShe wedu, neMuponesi Jesu Kristu. 12 Saka handingaregi kukuyevudzai zviro izvi nguva dzeshe, kunyange mwechizviziva henyu, uye makasimba pachokwadi yemunayo. 13 Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhernakeri ndikumungwadze nekukuyevudza. 14 Ndichiziya kuti kubviswa kwetabhernakeri yangu kwava pedo, sezvandakakombedzwa naShe wedu Jesu Kristu. 15 Ndichashingirira, kuti mugo kurangarira zviro izvi nguva dzeshe kana ndaenda. 16 Nokuti atina kuteera ngano dzekufungwa nenjere, nguva yatakamuzivisa simba nokuuya kwaMwari wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona umambo wake. 17 Nokuti ena

wakapuwa kukudzwa nekugwinya naMwari, Baba, panguva iya, rakauya izwi rikati kwaari rechibva mukugwinya kukuru, rechiti: ''Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, unondifadza''.

18 Izwi iri takarizwa isusu, rechibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene. 19 uye tineshoko reuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana mwechiriteerera. Rakaita sechibani chinovenekera parima, kusvikira pakuedza ne nyeredzi nanyamasase ichibudira moyo yenyu. 20 Mwechiziva pakutanga, kuti hakuna huporofita werugwaro unongodudzirwa nemunhu. 21 Nokuti hakuna uporofita wakatongo uya nekuda kwemunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakareketa, vechimutswa neMweya.