1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana 2 pakati penzira huru yeguta. Parutiwi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. 3 Hakuchazowazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichawa muguta, uye waranda wake wachamushumira. 4 wachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo. 5 Usiku hahuchazowepozve. Hawachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye wachatonga nokusingaperi-peri. 6 Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yawaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza waranda wake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika." Jesu ari kuuya 7 “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.” 8 Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzeGirozi yakanga yandiratidza zvinhu izvi. 9 Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako waprofita nawose wanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!” 10 Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita webhuku iri, nokuti nguva yaswedera. 11 Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.” 12 “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. 13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma. 14 “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti wawe nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye wagopinda muguta nepado. 15 Kunze ndiko kune imbwa, waya wanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, wanonamata zvifananidzo navose wanoda nhema uye wachidziita. 16 “Ini Jesu, ndakatuma Girozi yangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.” 17 Mweya nomwenga wanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi. 18 Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. 19 Uye,kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri reuporofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugowe wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri. 20 Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu. 21 Nyasha dzaIshe Jesu ngadziwe nawanhu waMwari. Ameni.