1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. 2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. 3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yawo pakati pawanhu, uye achagara nawo. Wachawa wanhu wake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. 4 Achapukuta misodzi yavo yose pameso awo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” 5 Akanga akagara pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zviwe zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” 6 Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. 7 Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichawa Mwari wake, uye iye achawa mwanakomana wangu. 8 Asi wanotya, wasingatendi, nawanonyangadza, mhondi, nemhombwe, nawanoita zvouroyi, wanonamata zvifananidzo nawanorewa nhema, nzvimbo yawo ichawa mudziwa romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” 9 Mumwe weGirozi wanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” 10 Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari 11 Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuwaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. 13 Rakanga rine masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namawiri nawatumwa gumi nawawiri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namawiri awaIsraeri. 12 Kumabvazuwa kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumawirira. 14 Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana. 15 Girozi akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. 16 Guta rakanga rakavakwa zvokuti matiwi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviwiri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro. 17 Akaera rusvingo rwaro uye rwaiwa rukobvu makubhiti zana namakumi mana namanaa nokuyera kwawanhu, kwaishandiswa neGirozi. 18 Rusvingo rwakanga rwakawakwa nejasipa, uye guta rakanga rakawakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. 19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiwa yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; 20 yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiwa yekarineri yechinomwe yaiwa yekrisoriti, yorusere yaiwa yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiwa yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiwa yejasindi, yegumi nembiri yaiwa yeametisti. 21 Masuo gumi namawiri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera. 22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndiwo temberi yaro. 23 Guta haritswaki zuwa kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. 24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kugwinya kwawo mukati maro. 25 Hapana zuwa richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazowe nousiku ikoko. 26 Kugwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. 27 Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete wana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.