Chisauko 1

1 3 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratinze waranda wake zvinhu zvichazoitika nekukasika, akazvituma nenJirozi yake, akaziwisa muranda wake Johani. 2 Wakapupurira shoko raMwari, nezvekupupura kwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona. Wakaropafadzwa uya wanoerenga, newanodzwa mashoko echiporofita ichi, wachichengeta zvakanyorwa imomo; nekuti kuwa yawakuswika. 4 Johani kukereke nomwe dziri paAzia. Nyasha nerugare ngadziwe nemi, dzinobva kunaiye, uripo, wanga aripo, newakazowapo; nekune mweya minomwe, iri pamberi pechigaro chake; 5 Nekuna Jesu Kristu chapupu chakatendeka, dangwe kuwakafa, mubati wemadzishe wenyika; uya wakatida, uye ropa rake rakangeza zvitadzo zvedu; 6 Uye wakatiita wushe, newaPirisita kuna Mwari naBaba wake; ngakuwe kubwinya, nesimba, nekusingaperi, ameni! 7 Tarisai iye unouya nemumakore, meso ese achamuwona naiwo wakamubaiya; nemarudzi ose enyika akamuchema; Hongu, ameni. 8 Ini ndini Arfa, neOmega, ndizvo zvinotaura Ishe, Mwari, aripo, wakanga aripo, newakazowapo, wemasimba wese. 9 Ini Johani ndini hama yenyu, mugowerani pamwechete nemi pakutambudzika, neWumambo, nekusungirira munaJesu Kristu, dakanga ndiri panzira inonzi Patmosi, nekuda kweshoko raMwari, nekuda kwechapupu chaJesu Kristu. 10 Muzuwa raIshe ini ndakanga ndiri mumweya, shure kwangu ndakadzwa inzwi guru, sewamanda, 11 Richiti: Chi, chaurikuwona, Zvinyore mubuku iri, utumire kereke nomwe paEfeso, nepaSmirna, nepaPergamo, nepa Tiatira, nepaSardisi, nepaFiraderfia, nepaRaodikia. 12 Zvino ini ndakatendeuka kuti ndiwone inzwi raitaura neni; ndichitendeuka ndakaona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama; 13 Pakati pezvigadziko mumwe wakafanana nemwanakomana wemunhu, akafuka nguwo yakaswikira kudzoka akadzisunga nepachifuwa, nebanhire rendarama; 14 Musoro wake nemvudzi rake raganaga riri rekuchena, samakushe machena; meso ake akaita mirazi yemoto; 15 Tsoka dzake dzanga dzakafafana neSafuri; Idzwi rake rakaita seidzwi remvura yakawanda. 16 Muruwoko rwake rerudyi wakanga wakanbata nyeredzi; mumuromo wake makabuda munhodo unopinza unocheka kwese; Chisochake chaiwa seZuwa rinopenya nesimba raro. 17 Ndakati ndichimuwona ndakadona pasi petsoka dzake sendafa; Zvino iye akaisa ruwoko rwake rwerudyi pamusoro pangu akanditi: Usatyia; 18 Ini ndini wekutnga newekuguma; Ini ndini ndinorarama, ndakanga ndakafa; Tarisa zvino ndini ndinorarama nekusingaperi; Amen. Ini ndinekiyi, dzerufu neHadesi. 19 Nyora zvinhu zvawawona, nezviripo, nezvirikuda kuzoitika; 20 zvakawanzika zvenyeredzi zvekereke nomwe, dzawawona, muruwoko rwangu rwerunji rwangu, nezvigadziko zvinomwe zvendarama: Nyeredzi nomwe ndinzo Ngirozi nzekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje, ndinzo kereke nomwe.