1 Bhuku ramadzitateguru ha Jesu Kristu, Mwanakomana wa Davidi, Mwanakomana waAbrahama. 2 Abrahama Akawa baba waIsaka; Isaka, baba wa Jakobo; Jakobo, Baba wa Juda nawanununa wake; 3 Juda akawa Baba wa Faresi naZara, wakaberekwa na Tamari. Faresi akawa Baba waEsromi; Esromi akawa baba waArami; 4 Arami akawa Baba wa Aminadabi; Aminadabi, Baba weNasoni; Nasoni, baba we Saremoni; 5 Saremoni akawa baba wa Boasi, akaberekwa naRabhi;Boasi baba wa Obedi, akaberekwa naRute; Obedi, baba wa Jesi, 6 Jesi akabereka mabho Davidi. davidi akawa baba we Soromoni, akaberekwa nemukadzi waUria. 7 Soromoni akawa baba wa Roboami; Roboami, baba waAbia; Abia, baba wa Asafa. 8 Asafa, baba waJosafati; Josafati akawa baba wa Joramu, uye Joramu akabereka Ozia; 9 Ozia, akawa baba Jotamu; Jotamu, baba we Ahazi; Ahazi, baba wa Ezekia; 10 Ezekia akawa baba wa Manasi; Manasi, baba wa Amoni; Amoni, baba wa Josia, uye 11 Josia akawa baba waJekonia nawanununa wake, neguwa yekutapwa kwawo kuBabironi. 12 Nekutapwa kwe babironi, Jekonia akawa baba wa Saratieri; Saratieri, kawa baba waZorobhabheri; 13 Zorobhabheri, akawa baba wa ABiudhi; Abiudhi, baba wa Eriakimi; Eriakimi, baba wa Azori; 14 Azori akawa baba wa Sadhoki; Sadhoki, baba waAkimi; Akimi, baba wa Eriudhi; 15 Eriudhi akawa baba wa Eriazar; Eriazar, baba wa Matani, Matani, baba wa Jakobho, uye 16 Jakobho akawa baba wa Josefa, murume waMaria, uya wakabereka Jesu, uya anodaitswa Kristu. 17 Marudzi wose;kuna Abrahamau kusvika kuna Davidi, aiwa marudzi gumi namana kuswikira pakutapwa kwe Bhabhironi, marudzi gumi namana kubva pakutapwa Bhabhironi kuswikira kuna Jesu Kristu, marudzi gumi namana. 18 Kuberekwa kwa Jesu Kristu kwaiwa kudai, Maria, wamai wake, wakati wataurira na Josefa, wasati wasangana, wakaonekwa awa nepamwiri weMweya muswene. 19 Josefa, murume wake anga arimurume wakarurama,asingadi kumunyadzisa panewanhu, hakafunga kumusia tchinyararire. 20 Zvino akati atchifunga kudaro,Mutumwa waiche akazviratidza pakurota kwake, atchiti: ''Josefa, mwanakomana wa Davidi, usathia kutambira Maria semukadzi wako, nekuti tchakaiswa mahari ndetche Mweya mutswene. 21 Iye atchabereka Mwanakomana iwe utchamutumidza Zita rekuti Jesu, nekuti Iye atchadzikinura wanhu wake pazviwi zvao''. 22 Zvese izvi zvaitika kuti zvidzadziswe zvakataurwa na Iche pakati pemuporofita: 23 ''Tarisai mhandara itchawa nepamwiri itchawa neMwana, hatchandaitswa Emanueri, zvairewa Mwari anesu'''. 24 Josefa pahakamuka pahope, akaita zvahakataurirwa neMutumwa waIche akatora mukadzi wake. 25 Nekudaro awana kuzoziana, kuzvikira hazwara Mwana.Uye iye akamupa Zita rinoti Jesu.