1 Jesu apedza kuwadudzira mashoko aya mundzewe dzawo, akapinda Mucapenaumi. 2 muranda wemumwe mukuru wezana, waidiwa naye zwekuru, airwara pedyo ne rufu. 3 Uye anzua ne zwa Jesu, mukuru wezana wakatuma wamwe wakuru wemajuda kuenda kunomukumbira kuti auye kuzoponesa muranda wake. 4 Pawakaswika kuna Jesu, wakamukumbira netsitsi: ''Iye akakusha kuti mumuitire izvi, 5 nekuti anoda rudzi rwake, uye ndiye akatiwakira Sinagoge''. 6 Nokudaro Jesu akatera gwanza rake nawo. Wapaduze wakuda kuswika paumba, mukuru wezana akatumira Shamwari dzake kuti wamuudze: ''Ishe, musasvinetse, nekuti adina kukudzera kuti musviki paumba pangu. 7 Nekudaro adina kukodzera kuya kuzokutambirai; taurai zwenyu shoko muranda wangu anopora. 8 Nekuti neniwo ndiri munhu vakaiswa pasi pewamwe. Ini ndinoti: ''Endai'' uye iye anoenda; uye ndinoti kune wamwe ''Uyai'' uye iye anouya; ini ndinoti kune muranda wangu: ''Itai izvi'' uye iwo wanoita. 9 Jesu paakazwa izvi, Iye akachamiswa, uye achitarisa wajinji waimutera, akati: ''Ini ndinoti kunyagwe muIsiraeri adisati ndawona munhu anekutenda kwakadai''. 10 Nokudaro waya wakatumwa iwo wakadzokera kumba iyo wakawona muranda anewutano. 11 Zwapera izvi, zwaitika kuti Jesu wakaenda kurimwe guta rainzi Naim. Wadzidzi wake waenda Naye, pamwechete nawanhu wajinji. 12 Pawakaswika , pamusuwo weguta, umwe murume akanga akafa anga akatakurwa, ndiye chete mwana wamai. Iye anga ari chirikadzi, uye wajinji wanhu wese wemunaraunda wanga wanawo. 13 Ishe pawakamuwona, Iye akamuzwira tsitsi, uye akati: ''Usacheme!'' 14 Nokudaro Iye akaswika pedyo, akabata muti wanga wakatakura mwiri wemufi, uye wanga wakatakura wakamira, uye Iye akati: ''Jaya, Ini ndinoti, muka''. 15 Murume akaaga akafa akamuka akatanga kutaura. Nokudaro Jesu akapa mai wake. 16 Uye wakabatwa nekutya wese wakakudza Mwari wachiti: ''Muporofita mukuru auya pakati pedu'' uye ''Mwari arikuwona wanhu wake''. 17 nawu dza Jesu dzakatekechera Judea yese nemamwe maguta aripaduze. 18 Wadzidzi wa Johani wakamutaurira zwese zwakawona. 19 Nokudaro Johani wakadaidza wadzidzi wake wawiri wakawatumira kuna Jesu kuti wati: ''Iwe ndiwe uchauya kana kuti tichamirira umwe? 20 Pawakawona Jesu, wakati: ''Johani mubabatidze atituma kuti tibvunze kuti : 'Imi ndimi muchauya kana kuti timirire umwe?'''' 21 Ipapo Iye akarapa wajinji wairwara, waitabudzwa, nemweya yakaipa uye, newamwe ma bofo waiwona. 22 Jesu akawapidura, achiti: ''Idai kunoudza Johani zwamawona nezwamadzwa. Wanhu wasiga wone wari kuwona, wakaremara warikufamba, wanemaperembudzi warikuchena, wasigazwi wanuzwa, wakafa warikudzokera muwopenyu warikutambura warikuparidzirwa vagere itsva''. 23 Wakaropafadzwa waya wasigaseya kunditenda nekuda kwemabasa angu. 24 wakatumwa na Johani pawakaenda, Jesu akatanga kutaurira wajinji nenyaya yake. ''Chi chawakaenda kunowona kurenge? muti umwe uchitamba tamba pamepo? 25 Chi chawakawona? Mumwe murume anga akapfeka hembe dzifinu? Wanhu wanopfeka hembe dzinopenya uye aneupenyu wepfuma wanogara dzimba dzanamambo. 26 Asi chi chawakanowona? umwe muporofita? unokura zwikuru muporofita. 27 Izvi ndizvo zwakanyorwa: 'ndirikutumira mutumwa pakati pameso wake, uya achakadzira gwanzi rako' 28 Ini ndinoti anomberekwa nemukadzi, akuna mukuru anopfura Johani, Asi uya mudoko muwo mambo waMwari, mukuru kumupfura iye''. 29 Wanhu wese pawakanzwa izvi, newateresi, wese wakati Mwari akatendeka, akababatidzwa nerubabatidzo raJohani mubabatidzi. 30 Asi wafarisi ne wakuru wemutemo wemajuda wakaramba kufunga kwaMwari kwaari, awana kubabatidzwa naye. 31 ''Ndiani wandichayedzanisa ne wanhu werudzi rino? Iwo wakafanana nani? 32 Wakaita se wana warikutamba kutswimbo yekutambira uye wanogara wanodaidza umwe ne umwe uye wachiti: 'tinokuridzirai nare, asi awatambe. Isu tinoridza dziyo yakadzi asi iwo awacheme'. 33 Johani Mubabatidzi akauya, asigadye chegwa kana kumwa waine, uye imi makati: 'Iye ane demoni'. 34 Akauya Mwanakomana weMunhu, achirya ne kumwa, shamwari yewateresi ne waidzi!' 35 Asi ruziwo rinoratidzika newana wawo wese''. 36 Nokudaro, umwe mufarisi waikumbira Jesu uti arye naye. Nokudaro Jesu akapida muimba yemufarisi akagara patafura kuti adye. 37 Kuguta iro kwaiwe nemumwe mukadzi anga ari muedzi. Iye paakaziwa kuti anga arimumba memufarisi, akatora zvinonuwirira zvainzi arabasro. 38 Nokudaro, iye akanamira kumashure kwake, paduze petsoka dzake. Uye akatanga kutotesa tsoka dzake nemesodzi uye aipukuta nevudzi rake, achitsoda tsoka dzake uye achizodza ne zwinonuwirira. 39 Mufarisi anga akuka Jesu paakasviona, iye akapfuga ega: ''ndai murume uyo ari muporofita, aiziwa mukadzi arikumubata, nekuti iye muedzi''. 40 Nokudaro Jesu akamupidura, akati: ''Simoni, ndine chimhu chandiri kuda kukuwudza''. Uye Simoni akati: ;;Taurai Ishe!''. 41 Kesu akati: ''kwaiwe kune wakwerete wairi muimwe tswimbo. umwe aikwereta chamadinari anamazana mashanu ye umwe aikwereta chamakumi mashanu. 42 Iwo wanga wasina mare kuti wabhadare, aikweretwa akawaregerera wese wairi. ndiwopi achamuda zwakanyanya?'' 43 Simoni akapidura: ''Ini ndinoti uya akaregererwa zwakanyanyisa''. Jesu akamuti: ''watonga zwakanaka''. 44 Jesu akatarira mukadzi akati kuna Simoni: ''Urikuwona mukadzi uyo? Ini ndapida mumba mako yauna kudipa mvura yekugesa tsoka dzagu, asi mukadzi uyo agesa tsoka dzagu nemusodzi dzake uye akapukuta nevudzi rake. 45 Iwe auna kunditsvoda, asi iye, kubva pasvika ana kumira kutsvoda tsoka dzangu. 46 Auna kuzodza musoro wangu nemafuta, asi iye azodza musoro wangu ne zwinonuwirira. 47 Naizwozwo, ndinoti zviwi zwako zvaregererwa-nekuti iye anida zvakanyanya. Asi uya anoregererwa zvishoma anodawo zvichoma. 48 Zwino Iye akati: ''Zviwi zvako zvaregererwa''. 49 Waya wanga wakagara patafura wakatanga kuti wega zwawo. ''Ndiani uyo kunyagwe zviwi anoregerera? 50 Zwino Jesu akati mune mukadzi: ''Kutenda kwako kwakuponesa. enda nerugare''.