1 Jesu akapinda muJeriko achifura muguta. 2 Manga mune umwe murume ainzi Zakeo,amga ari mukuru yewateresi uye anga arimupfumi. 3 Iye aiendza kuona akanga ari ani Jesu, asi anga asigakwanise kumuona neuwandau wewanhu iye akanga ari mupfupi. 4 Iye akamhanyira mberi kwewanhu akakwira mumuti kuti aone Jesu, nekuti akanga ari pedyo kuti adarike napo 5 Asi jesu paakasvika apo panzvimbo akatarisa mudenga ndokuti: ''Zakeo dzika nekukasika nokuti nhasi ndinoda kuenda kumba kwako''. 6 Asi, iye akadzika nekukurumidza ndokumutambira nemufaro,Wanhu pawakaona izvi 7 .Wakabvunza wachiti: ''Iye aenda kunochanyira munhu uyu mutadzi''. 8 Zakeo ndokusimuka ndokuti kuna Ishe: ''Tarirai ishe ,pakati peupfumi wangu ndichapa kuwarombo kana paine wanda kanganisira chimwe chinhu, ndichadzosera zvawa zwirogomuna zwakapetiwa''. 9 Jesu akati kwaari: ''Nhasi ruponeso raswika muimba ino, nekuti iye mwana waAbrahama. 10 Asi Mwama weMunhu kusotsaga uye kuponesa chakarasika''. 11 Pawakaswa izvi, Jesu akaramba achitaura. Akatura nemumwe mufananidzo, panga akuswika mu Jesrusarema wanhu wakapfunga kuti Umambo Mwari wazuwoya nekukurumidza. 12 Iye akati: ''Mumwe murume weimba guru akaenda kunyika iri kure kundo tora umambo wake achidzokera. 13 Iye akadana gumi rewashandi wake, akawapa mari iye akati: 'tengesai kuswikira ndadzoka'. 14 Asi washandi wake wakamuwenga ndokutuma zwikwata kumashore kwake ndokuti: 'Atindi kuti munhu uyo atitongi'. 15 Paaka pedza kugadzwa umambo, akadzoka akapa mubvumo akadana wachandi wawo anga awapa mari, andzwi kuti mumwe mumwe wakawanei nokutegesa kwawo. 16 Wekutanga akuya kwaari akati: 'Ishe, mari yenyu yawedzerwa gumi nemadhora'. 17 Akamupidura akati: 'Zwakanaka mushandi, nokuti watendeka paswishoma, iye uchatonga waguta magumi'. 18 Uye uchipiri akauya akati: 'Ishe, mari yenyu yawedzera madora machanu'. 19 Tenzi wake wakati: 'Iwe uchatonga maguta mashanu'. 20 Uye mumwe akauya achiti: 'Ishe, iri apa mari yenyu ndakacheketa ndikaisa pagira, 21 ini ndaitya imi nekuti muri murume akatendeka. Iwe unobvisa zvausina kucheketa, unokowa zwausina kusima'. 22 Tenzi wakati: 'Nema shoko ako nechakutonga, muranda akaipa. waiziya kuti ndiri murume akatendeka, unobvisa zvausina kuisa uye unokowa zvausina kusima. 23 Nei usina kuisa mari yangu maino chegeterwa? Nokuti, kudzoka kwangu, ndaigamuchira zvakapetwa.' 24 Uye akataura newaiwe ipapo: 'Bvisai mari paari mupe uya ane gumi'. 25 Iwo wakati: 'Ishe, uyo atowe ne mari gumi'. 26 Ini ndinokudzai: 'Awo wanazwo, wachapowa zwakapetwa, asi waya wasina, wachabviswa zwawo. 27 Ko kune wawengi wangu, waisada kuti tiwatongi, unzai kuno uye muwaurye pamberi pangu'''. 28 Uye apedza kutaura zwenyu izvo, akaenda kurewendo kwake, achikwira kuJerusarema. 29 Zwakaitika izvi, paakaswika pedyo ne Betfage uye ne Betania, padunze ne gomo rainzi miorivi,wakatuma wadzidzi wairi, 30 achiti: ''Indai kurimwe guta, nokudaro mukapidamo, muchawona mwana wembogoro rakasukwa apana akamborikwira zwake. sunugurai mundiuzvisere kwandiri. 31 Anokubvudzai: 'mari sunugurei?' munoti: 'Ishe wanorida'''. 32 Wanga watumwa wakaiwona mwana wembogoro sezvawanga waudzwa na Jesu. 33 pawai sunugura muridze akati: ''Sei murikusunugura mbogoro?'' 34 Iwo wakapidura: ''Ishe wanorida.'' 35 Iwo wakauya naro kuna Jesu, wakaisa machira pamusoro pambogoro uye Jesu akagara pamusoro payo. 36 Pawaifamba, wanhu waiwaridza machira mugwanzi. 37 Uye pawai swedera mukuyeredza kwegomo remiorivi, wanhu wajinji ne wadzidzi wakatanga kufara wachi kudza Mwari neizwi repamusoro soro wemasimba wose watiri kuona, 38 Achiti: ''Wakaropafadzwa Mambo wamouya ne muzita raIshe. Rugare kudenga kukwinya nekumusoro''! 39 Wamwe wewafarisi wanga wari pakati pewajinji wakati: ''Mudzidzi, tsurai wadzidzi wenyu''. 40 Jesu akapidura, akati: ''Ndinoti wanhu wakanyarara, mambwe dzinodanidzira!'' 41 Jesu paiswika muguta, achiona aichema kwariri, achiti: 42 ''Nhasi unoziwa chiya chinokuwodzisira rugare! Asi zwinhu izvi zvakawadzika mumaziso ako. 43 Nokuti kwauri kuchauya mazuwa yewawengi wako wachakugadzira muchengeri wokutenteredza, wachakukomberedza, wachakusunga zwimbo wose. 44 Wachakuparadzira pasi iwe, wana wako mukati mako. Awachasiye imbuwe masoro peimbuwe wausiwe nguwa yekuya kuzochanyirwa''. 45 Uye Jesu achipinda mutembere, akatanga kudziga waitegesa, 46 aiwati: ''Zvakanyorwa: 'Umba yangu ichawa umba yekunamatira', asi maiita umba yemagororo''. 47 Jesu aidzidzi mazuwa wose mutemberi. Asi wakuru wemaprisita, newanyore newakuru waitsaga kumurya. 48 Wanga wasinga muwone, nokudaro wanhu wese waiudzwa zwaitaura.