Chitsauko 34
1
Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo.
2
Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamumanikidza akavata naye, uye akamunyadza.
3
Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro
4
Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.
5
Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba.
6
Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho.
7
Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa.
8
Asi Hamori akati kwavari, Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake.
9
Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu.
10
Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.
11
Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda.
12
Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.
13
Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori.
14
Vakati kwaari, Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadziso kwatiri ichocho.
15
Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose.
16
Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi.
17
Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.
18
Kutaura wavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu.
19
Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho.
20
Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo.
21
Vakati, Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo.
22
Asi warume wachatenderana nesu kuti tiwe savanhu wamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti wanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari iwo.
23
Ko, mombe dzawo, pfuma yawo nezvimwe zvipfuwo zvawo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei nawo, wagogara pakati pedu.
24
warume wose wakabuda kusuo reguta wakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye wanhurume wose womuguta wakadzingiswa.
25
Shure kwamazuwa matatu, wose wachiri kurwadziwa, wanakomana wawiri waJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, wakatora minondo yavo wakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, wakauraya munhurume wose.
26
wakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye wakatora hanzvadzi yawo Dhaina kubva mumba maShekemu wakaenda.
27
Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo.
28
Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango.
29
Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba.
30
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuhwa kuwaKenani navaPerizi, wanhu vagere munyika muno. Tiri washoma isu, uye kana wakandikomberana uyeWakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.
31
Asi ivo wakapindura wakati, Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?