Chitsauko 33

1 33Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri. 2  Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure. 3  Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake. 4 Asi Esau akamhanya kundosangana naye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema. 5 Ipapo akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, Ndivanaaniko ava vaunavo? Jakobho akapindura akati, Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari. 6 Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi. 7 Zvimwe chetezvo, Rea navana vake vakasvika uye vakakotama pasi. Mushure mavo vose Josefa naRakeri, naivowo vakakotama pasi. 8 akati, Ko, unorevei namapoka ose andasangana nawo aya? Iye akati, Kuti ndiwane nyasha pamberi penyu, ishe wangu. 9 Asi Esau akati, Ndatova nezvizhinji, munun'una wangu. Chizvichengetera iwe zvaunazvo. 10 Jakobho akati, Kwete ndapota! Kana ndawana nyasha kwamuri gamuchirai henyu chipo ichi kubva kwandiri. Nokuti kuona chiso chenyu kunenge kuona chiso chaMwari, sezvo zvino mandigamuchira zvakanaka kudai. 11  Ndapota, gamuchirai chipo chandakuvigirai, nokuti Mwari akandiitira nyasha uye ndine zvose zvandinoda. Uye nokuda kwokuti Jakobho akaramba achimugombedzera, Esau akazochigamuchira. 12 Ipapo akati, Ngatiendei zvedu; ndichakuperekedzai. 13 Asi akati kwaari, Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku uye kuti ndinofanira kuchengetedza makwai nemombe dziri kunwisa. Kana zvikanyanya kutinhwa nezuva rimwe chete, zvingazofa. 14  Saka ishe wangu ngaatungamire hake mberi kwomuranda wake, ini ndichifamba hangu zvishoma zvishoma nenhambwe dzinoenderana nezvipfuwo zviri mberi kwangu, uyewo zvinoenderana navana, kudzamara ndasvika kuna she wangu kuSeiri. 15 Esau akati, Zvino chirega ndisiye vamwe vanhu vangu newe. Jakobho akabvunza akati, Asi mungaitireiko izvozvo? Regai ndiwane nyasha pamberi pashe wangu bedzi. 16 Saka pazuva iroro, Esau akapinda munzira yake akadzokera kuSeiri. 17  Zvisinei hazvo, Jakobho akaenda kuSukoti, kwaakazvivakira imba yake uye akaitirawo zvipfuwo zvake matanga. Ndokusaka nzvimbo iyo ichinzi Sukoti. 18 Shure kwokubva kwaJakobho kuPadhani Aramu, akasvika zvakanaka kuguta reShekemu muKenani uye akadzika musasa wake pakatarisana neguta. 19  Akatenga nzvimbo yaakadzika matende ake kubva kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu nezana resirivha. 20  Akavaka aritari ipapo uye akaitumidza zita rokuti Eri Mwari Israeri.