Genesisi 3
1
2
3
3Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?â€
2 Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, 3 asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.
4
5
6
Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. 5 Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.â€
6Â Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya
7
8
Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
8Â Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu
9
10
11
Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?â€
10 Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.â€
11 Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?â€
12
13
Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.â€
13 Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?†Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya
14
15
Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi,
“Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose,
kupfuura mhuka dzose dzesango!
Uchafamba nedumbu rako
uye uchadya guruva
mazuva ose oupenyu hwako.
15Â Uye ndichaisa ruvengo
pakati pako nomukadzi,
uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi;
achapwanya musoro wako,
uye iwe ucharuma chitsitsinho chake
16
Kumukadzi akati,
“Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;
uchabereka vana mukurwadziwa.
Kuda kwako kuchava kumurume wako,
uye achava nesimba pamusoro pako
17
18
19
Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’
“Ivhu ratukwa nokuda kwako;
mukushanda kunorwadza,
uchadya zvibereko zvaro
mazuva ose oupenyu hwako.
18Â Richakuberekera minzwa norukato,
uye uchadya miriwo yomusango.
19Â Neziya rechiso chako
uchadya zvokudya zvako
kusvikira wadzokera kuguruva,
sezvo wakatorwa kwariri;
nokuti uri guruva,
kuguruva uchadzokera
20
21
Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
21Â Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza
22
23
24
Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.â Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.