Genesisi

1 Matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose. 2 Naizvozvo  Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuwa rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. 3 Uye Mwari akaropafadza zuwa rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuwa iroro akazorora pabasa rose rekusika raakanga aita. Adhamu naEvha 4 Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika nematenga. 5 Uye kwakanga kusati kwawa namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika. 6 asi howa dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorowesa pasi pose, 8 Mwari akaumba munhu kubva paguruwa reivhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akawa mupenyu. 7  Zvino Jehovha Mwari akanga asima bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. 9 Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muivhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakuyha. Pakati pebindu pakanga pa mine muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. 10  Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukawa hova ina. 11 Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. 12  (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) 13 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. 14  Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; rinoyerera ruchitevedza rutiwi rwemabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi 15 Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta. 16  Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; 17  asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziwa zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo 18 Jehovha Mwari akati, Hazvina kunaka kuti munhu agare ari ega. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira. 19 Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muivhu, mhuka dzese dzesango neshiri dzese dzedenga. Akazviyisa kuna Adamu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nemunhu, ndiro rakawa zita racho. 20 Saka Adamu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira akamukwanira 21 Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu arare hope guru; uye paakanga achakarara, akatora rumwe rumbabvu rwemunhu akavhara nenyama nzvimbo yakarubvisa.  22 Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kuna murume. 23  Adamu akati, zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nemyama yenyama yangu; achanzi mukadzi, nokuti akatorwa kubva pamurume. 24 Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai wake agonamatira kumukadzi wake, uye wachawa nyama imwe chete. 25 Murume nomukadzi wake wakanga wasina kupfeka wose, uye hawana kutonbonyara.