Chitsauko 11

1 Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.   2 Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako. 3 Vakataurirana, vachiti, Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo. Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo. 4 Vakati, Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukuru­mbira, kuti tirege kupararira panyika yose. 5 Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchiva­kwa navanakomana vavanhu. 6 Jehovha akati, Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa. 7 Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana. 8 Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vaka­rega kuvaka guta ravo. 9 Naizvozvo va­karitumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jeho­vha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose. 10 Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri; wakati abereka Aripakishadhi, 11 Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanako­mana navanasikana. 12 Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera;

13 wakati abereka Shera, Ari­pakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana. 14 Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru. 15 Wa­kati abereka Ebheru, Shera akagara ma­kore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana. 16 Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi, wakati abereka Peregi, 17 Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasi­kana. 18 Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu; wakati abereka Rehu, 19 Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana. 20 Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu; 21 wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana. 22 Serugu wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Nahori; wakati abereka Nahori, 23 Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanako­mana navanasikana. 24 Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabe­reka Tera; 25 Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabe­reka vanakomana navanasikana. 26 Tera wakagara makore ana ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani. 27 Ndiwo marudzi aTera; Tera waka­bereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;

28 Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKara­dhea. 29 vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. 30  Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana. 31 Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhu­ramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.

32 Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.