Genesisi 10
1
10Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.
VaJafeti
2
3
4
5
Vanakomana vaJafeti vanoti:
Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi.
3Â Vanakomana vaGomeri vanoti:
Ashikenazi, Rifati naTogarima.
4Â Vanakomana vaJavhani vanoti:
Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi. 5Â (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)
VaHamu
6
7
Vanakomana vaHamu vanoti:
Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.
7Â Vanakomana vaKushi vanoti:
Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhiteka.
Vanakomana vaRaama vanoti:
Shebha naDhedhani.
8
9
10
Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika. 9 Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.†10 Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari
11
12
13
14
Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara 12Â neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.
13Â Miziraimi akanga ari baba veava:
vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, 14Â vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori.
15
16
17
18
Kenani akanga ari baba veava:
Sidhoni dangwe rake, navaHiti, 16Â vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi, 17Â vaHivhi, vaAriki, vaSini, 18Â vaAvhadhi, vaZemari navaHamati.
(Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,
19
20
uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.)
20Â Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.
VaShemi
21
22
23
Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.
22Â Vanakomana vaShemu vaiti:
Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.
23Â Vanakomana vaAramu vaiti:
Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
24
25
Afakisadhi akanga ari baba vaShera,
uye Shera ari baba vaEbheri.
25Â Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri:
Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romununʼuna wake rainzi Jokitani.
26
27
28
29
Jokitani akanga ari baba veava vanoti:
Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera, 27Â Hadhoramu, Uzari, Dhikira, 28Â Obhari, Abhimaeri, Shebha, 29Â Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.
30
31
Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.)
31Â Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.
32
Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.