Chitsauko 1

1 Pauro, muapostora waJesu Kristu, nekuda kwaMwari, newatswene waMwari kuEfeso, uye wanotsungirira muna Jeso Kristu. 2 Nekuda kwenyu, uye rugare rinobva kuna Mwari baba wedu naIshe Jeso Kristu. 3 Mwari uyebaba waIshe wedu Jeso Kristu ngaarumbidzwe, akati komborera nemakomborero wose emweya munzwimbo tswene muna Kristu. 4 Nyika isati yasikwa, Mwari wakatisanangura muna Kristu kuti tiwe watswene wasina mhoswa pameso pake. 5 Mwari wakanga wakatirongera kare kuti tiitwe wana wake, kubudikidza naJeso Kristu, maererano nemufaro wake uye nekuda kwake. 6 Rumbidzo rwedu rakaitwa kubudikidza nenyasha nekubwinya, raakatipa nekuda Kwake muRudo. 7 Muna Jeso Kristu, Iye watine Dzikinuro maari kubudikidza neropa Rake,uye kurekererwa kwezviwi, zviri maererana nekupfuma kwenyasha dzaMwari. 8 Nyasha dzaakawandza pamusoro pedu neuchrngeri wose uye nekuzwisisa kwose. 9 Mwari wakaziwisa kwatiri chakawanzika chekuda kwake, maererano nemufaro wake wakanaka, waakatiratidza muna Kristu, 10 auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pomusoro mumwe anowa kristu. 11 Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nekuronga kwaiyeanoita zvose mukusimbisa wawariro yekuda kwake. 12 Mwari wakatirongera nhaka kuitira kuti isu tiwe wakatanga kuuva netariro muna Kristu, tiwe rumbidzo yekubwimya kwake. 13 Muna Kristu, makazwa zvakare shoko rechokwadi, vhageri reruponeso renyu, uye makatenda maari, uye makadzadzwa nemweya muswene wamaka wimbiswa, 14 tariro renhaka yenyu, kuswikira taikwanisa zvachose, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. 15 Nekuda kweizvozvo, kubvira pandakatanga kuzwa zwekutenda kwenyu munha Ishe Jesu, uye nerudo renyu kuwanhu wose watswene waMwari, 16 andina kumbomira kutenda Mwari pamusoro penyu uye ndichiisa mazita enyu muminamayo yangu. 17 Ini ndinonamata kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba wekubwinya, ngaakupei Mweya weruziwo uye wakuzarurei Ruziwo rwake. 18 Ndinonamata kuti meso emoyo yenyu ivhenekerwe, kuti muziwe kuwimbika kwetariro raakamudanai naro, uye upfumi wekubwinya kwe nhaka Yake kuwatswene wese waMwari. 19 Muminamato dzangu, ndinoda kuti muone kukurisisa kwesimba rake, uyo ari matiri watinotenda, maererano nekubata kwe simba rake guru. 20 Iroro isimba rimwe chete rakaratidzwa naMwari pamusoro paKristo paaka mutswa murufu uye waakasanangura kuti awekurudyi rwake kunzvimbo tswene, 21 iri pamusoro peutongi wese, paukuru, nesimba, neutongi uye kwema zvita wose akataurwa. Kristo aatongi pamazuwa ano bedzi, asi nawanotere. 22 Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzaKristu, uye akamupa Kereke semusoro wezvinhu zvose. 23 Kereke ndimuwiri wake, sezvo iye anozadzisa zvinhu zvose.