Chitsauko 2

1 Pandakauya kwamuri, hadina kuya nekugona kutaura kana uchejeri, Kwepamusoro pandakaparidza kwamuri nezwapupu zwaMwari. 2 Nekuti ndakati andidi kuziwa Shinhu pandanga ndiri kwamuri, kunze kwaJesu, uye Iye akakomererwa. 3 Ini ndakanga ndinemi pakuneta, nekutya nekutenderera kukuru. 4 Shoko rangu nekuparidza kwangu zwanga zwisina mashoko yechenjeri. kunze kweizwi, kuratidza Mweya mutswene ne simba, 5 kuti kutenda kwenyu kusawe kwenjere dzewanhu, asi simba ramwari. 6 Zwino, isu tinotaura nenjere kune wakakwana, asi kwete njere dzenyika ino, kana watongi wwenguwa ino, wakandona. 7 Asi tinotaura ne njere dza Mwari ne shokwandi Yakawadzika, njere dzakawadzika, Mwari yakatigadzirira zwino zwisati zwawapo kuti zwibwinye. 8 Apana watongi wenyika ino waziya njere idzi, Nekuti ndai wakaziwa panguwa iyo, Iwo wakanga wasiga komerere Jesu anobwinya. 9 Asi sezwakanyorwa: ''Shinhu shisina kuwoneka nemadziso, kunyagwe zwisina kudzwika nenzewe, apana pfugwa dzakazwifunga, Ndizwo izwi Mwari zwaakagadzira kune wanomuda''. 10 Izwi ndizwo zwinhu Mwari zwaakatiratidza kwatiri nekuda KweMweya. Nekuti Mweya unonzwera zwose, kunyagwe zwinhu zwakadzika zwaMwari. 11 Nekuti ndiani anoziwa pfugwa dzemunhu kunze kwekuti mweya uri mune munhu? Nekudaro apana anoziwawo zwinhu zwakadzika dzaMwari Kunze kwaMwaya waMwari. 12 Asi isu atina kugamushira mweya wenyika ino, Asi, Mweya unobva kuna Mwari, kuti tiziwe zwenu zwakasunuguka zwatakapowa na Mwari. 13 Isu tinotaura neizwi nemasho kuti unjere wawemunhu haufundise, Asi zwatinozidziswa neMweya. Mweya unodudzira mashoko yemweya ne njere dzemweya. 14 Ndiani asiri wemweya ngasagamushire zwaMweya waMwari, Nekuti upedzi Kwaari. Afaniri kunzwisisa asi zwinonzwisiswa ne mweya. 15 WeMweya anotonga zwese, Asi iye afaniri kutonga amwe. 16 ''Nekuti ndiani anoziwa pfugwa dzaIshe, amufundise?'' Asi isu tine pfugwa dzaKristu.