Chitsauko 1

1 Pauro akadaidzwa nekuda kwamwari, kuti awe muaPostora waKristu Jesu, naSosteni, hama yedu, 2 Kuti kuChechi yaMwari iri pakorindte, kune wakaitwa waswene pamwechete newose wanodaidza pose pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wawenewedu: 3 Nyasha Ngadziwe nemwi, nerugare rinobva kuna Mwari, Baba wedu naIshe Jesu Kristu. 4 Ndinogara ndichinamata Mwari nguwa dzese nekuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu. 5 Iye akakupfumisai pazwinhu zwese, maari, pakutaura kwese, nepakuziwa kwese, 6 Nekudaro nechapupu chaKristu chakasimbiswa kwamuri. 7 Hamushaiwi chipoChimwe ; muchimirira kuratidzwa kwashe wedu Jesu Kristu. 8 Uchakusimbisai kuswikira pakuguma, kuti muwe wasingapomherwi pazuwa raIshe Jesu Kristu. 9 Mwari ndiye akatendeka, wamakadaiswa naiye kuyanana nemwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. 10 Zwino ndinokumbira zwikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mwese mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu pasawe nekupesana. asi kuti musanganiswe zwakanaka pamutemo mumwe nekufunga kumwe. 11 Nekuti ndakakutaurirwa pamusoro penyu, hama dzangu, newariwekwakroe, kuti kune kupikisana pakati penyu. 12 Zwandinotaura ndizwo kuti: Mumwe nemumwe, wenyu unoti: Ini ndiri wepauro, '' waporo'', ini waKefasi,'' ini waKristu''. 13 Zwino Kristu wakapatsanurwa here? Pauro wakarowererwa pachinjikwa nekuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14 Ndinotenda Mwari, kuti andina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo na Gayo; 15 Kuti kusawe nemunhu ungati, makabhabbhatidzwa muzita rangu. Zwekare ndakabhabhatidzawo imba yaStefana. 16 Asi wamwe andiziwe kuti ndakabhabhatidza mumwe. 17 Nekuti Kristu hana kundituma kuti ndibhabhatidze, asi kuti ndiparidze ivhangeri. Kwete neshoko reruzio rewanhu, kuti muchinjikwa waKristu usabviswe. 18 Nekuti shoko remuchinjikwa wupenzi kune wanoparadzwa; asi kwatiri isu, tinoponeswa, isimba RaMwari. 19 Zwakanyorwa zwichiti: ''Ndichaparadza wuchenjeri ndichaparadza wuchenjeri wewakachenjera, ndichabvisa kuziwa kwewanoziwa''. 20 Waripiko wakangwara? Waripi munyori? Waripiko muiti wenharo wenyika ino? 21 Mwari haana kuita kungwara kwenyika ino wuwe upedzi here? Nekuti pashure kweruziyio rwaMwari, Nyika nekungwara kwaiyo haina kuziya Mwari, nekuti zwakafadza Mwari newupedzi wekuparidza kuponesa wanotenda. 22 Nekuti waJudha wanokumbira chiratidzo, newagiriki wanotswaka ruziyo. 23 Asi isu tinoparidza Kristu wakarowerwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuwaJuda, newupedzi kuwahedheni. 24 Asi kune wakadaidzwa na Mwari, waJudha newagiriki, isu tinoparidza Kristu, Isimba raMwari Newuchenjeri waMwari. 25 Nekuti wupenzi waMwari wakachenjera kudarika wanhu, kuneta kwaMwari kwakasimba kudarika kwewanhu. 26 Tarisai kudanwa kwenyu, hama dzangu. awasi wakawanda wakangwara panyama, wakadanwa, awasi wakawanda; awasi wakadanwa wanesimba, awasi wakawanda wanokudzwa. 27 Asi Mwari akasarudza zwinhu zwewupenzi kuti wanyadzise wakangwara; wakasarudza zwakaneta panyika kuti wanyadzise zwinesimba. 28 JEju akasarudza zwinhu zwinozwininipisa zwakashoreka munyika, nezwinhu zwisipo, kuti ashaise zwiripo simba razwo. 29 Iye akaita izwi kuti kusawe nenyama inozwikudza pamberi paMwari. 30 Asi naye muri muna Kristu Jesu,nekuti iye wakatiitira isu wuchenjeri wunobva kunaMwari, nekururama, nekuitwa waswene nekudzikinuro. 31 Kuti unozwirumbidza, ngazwirumbidze, muna Mwari''.