Ndima 3

1 Uvayevudzire kuti vazviise pasi pevabati nevanesimba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa eshe akanaka, 2 varegere kurevera mumwe zvakaipa, varegere kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu veshe vunyoro bweshe. 3 Nokuti nesuvo kare taiva vekusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda vekuchiva kujinji nevezveshe zvinofadza, tigere mukati mekushata negodo, tichivengwa, tichivengana. 4 Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, nerudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa, 5 Ena wakatiponesa, nenjira yekushambidzwa kokuberekwa kutsva nokuvandudzwa neMweya Mutsvene, asingazviiti nekuda kwamabasa akanaka, etakanga taita , asi ngekuda kwenyasha dzake. 6 Ishe waakadurura echiwanza pamusoro pedu Mweya Mutswene, naJesu Kristu Muponesi wedu, 7 kuti isusu, ticheneskwe nenyasha dzake, tiitwe varhii venhaka nekuda kwetariro yeupenyu usingaperi. 8 8 Ishoko rechokwadi. Ndinoda kuti urekete kwazvo zviro izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vechiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu. 9 Asi unzvenge mubvunzo yeuupenzi, nemazita emadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pemurairo, nokuti hazvina maturo, hazvinabasa. 10 Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe, 11 zvaunoziya kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva emene. 12 Kana ndechituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuvuya kwendiri Nikopori, nekuti ndiko kwendichagara chando. 13 Kasikira nekutumira Zenasi, nyanzvi yemutemo, naAporo, nezviro zveshe zvavanoda. 14 Vanhu vedu ngavadzidzevo kuramba vechiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varegere kuva vanhu vasinazvibereko. 15 Veshe vari kwendiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemwi mweshe.