Ndima 2

1 Hino iwewe, taura zvakafanira dzidziso yakanaka. 2 Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakachena pakutenda, neparudo, napekutsungirira 3 Sezvo vakadzi vakuru ngavave nemufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; 4 kuti vadzidzise vakadzi vadoko, kuti vade varume vavo, nekuda vana vavo, 5 nekuva vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari risahungurwa. 6 Ndizvo ndizvo, varume vadoko uvaraire kuti vave vakangwara. 7 Pazviro zveshe newe wumene uvaratidze kombidzo yemabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nemugarire unokudzwa, 8 nekutaura kwakanaka, kusingagoni kushoorwa, kutiunopesana nesu anyadziswe, asi nechiro chakashata chaangareva pamusoro pedu. 9 Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazviro zveshe, vasingakakavari; 10 asingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka keshe, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazveshe. 11 Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, kuti dziponese vanhu veshe, 12 Dzechitidzidzisa isusu kuti tirambe kusanamata Mwari nekuchiva zvenyika, tirarame nekungwara, nekunaka, nokunamata Mwari panguva ino, 13 takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kekugwinya kwaMwari mukuru, neMuponesi wedu, Kristu Jesu. 14 Wakazvipa nekuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakanaka zveshe, kuti azvinasire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira pamabasa akanaka. 15 Dzidzisa zviro izvi, uraire nekuanga nesimba reshe. Pasina anoku yeisa.