Ndima 1

1 Pauro, muranda waMwari, nemuapositora waJesu Kristu, nekuda kekutenda kwevaketwa vaMwari, nekokuziisa chokwadi iri pakunamata Mwari, 2 patariro yeupenyu usingaperi, wakagondesa ena Mwari, asinganyepi, nguva dzisingaperi dzisati dzaapo. 3 Asi panguva dzakafanira wakaziisa shoko rake nekuparidza kwandakapiwa nemurairo waMwari, Muponesi wedu. 4 kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu teshe: Nyasha netsitsi nerugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe. 5 Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nekugadza vakuru mumaguta eshe, sezvandakakuraira. 6 kana kunemunhu usina chaangapomerwa, murume wemukadzi mumwechete, anevana vakatendeka, vasingapiwi ndaa yokuti havazvidzori, kana kuti havazwisisi. 7 Nokuti mutariri unofanira kuwa munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa. 8 Kundze kweizwi, ena unoitira vamweni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora. 9 Unobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakanaka, nokukunda vanokakavara. 10 Nokuti vajinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa, 11 vanofanira kudzivirirwa muromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa. 12 2 Mumwe muporofita pakati pavo, wakati: VaKrete vanogara vechinyepa, zvikara zvashata, nevanokara vanevusimbe. 13 Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi ivarange zvikuru, kuti vanake pakutenda. 14 Varegere kuteerera ngano dzevaJudha, nemurairo yevanhu vanofuratira chokwadi. 15 Kune vakachena, zveshe zvakachena, asi kune vakasvibiswa, vasingatendi, hakuna chinhu chakachena, nekuti nekufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa. 16 Vona vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa eshe akanaka.