Mako Chikamu 9

1 Adoti kwawali, ''Ndinoti kwamuli, pano wamwe wenyu vadomila pano wazingazolawile lufu vasati vaona humambo hwaMwali hwauya musimba.'' 2 Mazuwa matanhatu apfula, Jeso adotola Pita naJemusi naJohani naiye wakakwila mugomo, waliwoga pachezvawo.Ipopo adozvilatidza pambeli pawo. 3 Micheka yake yikapenya, dzikanyatso kuchenesa , kudalika kuchena kudalika chingachenesa pano panyika kudalika kuchenesa kudalo. 4 Ipapo Elija naMozisi akazvilatidza kwawali, uye waitaula naJeso. 5 Pita akapindula uye adoti kuna Jeso, ''Rabbi, zvakanaka kutitilipano, uye ngatiwake dzimba nhatu, ibodzi yangu, ibodzi yaMozisi, neibodzi yaElija. 6 ''{Akanga asisaziwe zvokutaula, waiwa wakucha.} 7 Chaunga chakauya uye chakamubvumbamila. Nokudalo dzinga lidobva kumakole, ''Uyu Mwanalumbwana wangu wandinoda. Telelanyi kwandili. 8 Ipopo, pawakalisa talisa ,hawana kuzowana chelo ani, asi Jeso chete. 9 Pawaibuluka mugomo, adowalaila kuti wadzoudza chelo ani zvake zvawakange waona kusvikila Mwana Komana womunhu amuka kuwadopfa. 10 Nokudalo wakachengeta nyaya iyi pachawo kuti ''kumuka kuwadopfa'' kunolewei. 11 Wadobvunza kuti, ''Senyi wanyoli wasiti Elija anotama kuuya.?'' 12 Adoti kwawali, ''Elija anouya pakutanga kuzogadzilisa zvinhu zvose. Ko senyi kudonyohwa kuti Mwanalumbwa woMunhu asatambula zvizhinji uye asawengewa? 13 Asi ndinoti kwamuli Elija atouya, uye wasaita zvose zvawanoda, sozvakanyohwa pamusolo pake. 14 Pawadouya kuwatewedzeli , wadoona chaunga chidowatendelela, uye wanyoli wainetsana nawo. 15 Pawakangoona Jeso, chaunga chose chidoshamisiwa uye wadomhanya kunomholesa. 16 Adobvunza wadzidzisi, '''Mulikushupana nawo chinyi pamusolo pei?'' 17 Mumwe aiwa pachaunga adomupindula , ''Mudzidzisi, ndauya nomwanalumbwana wangu kwamuli. Anomwoya unomutadzisa kutaula. 18 Zvinoti kana zvamubata zvinomudonhedzela pasi, uye anopupuma fulo pamulomo, nokutsenga - tsenga meno uye anopela muwili. Ndaudza watewedzeli kuti waubulitse maali asi watadza.'' 19 Adowapindula, ''Ludzi lokusatenda, ndisagala nemi kusvika kupi? Ndisawa nemi kusvika linhi? huyai naye kwandili.'' 20 Adomunzila mwanalumbwana kwaali. Mwoya uya paudoona Jeso, ipopo udokamundila pasi ukakunguluka. mukomana adodonha pasi uye akatanga kubuda fulo kumulomo. 21 Jeso adoti kuna baba wake, '' Kwonguwa yakadii zvisiitika saizvozvi? Baba wake wadoti, ''Kubva achili mudiki. 22 Pamwe zvinomukandila momoto pamwe mumvula uye zvinoteda kumupaladza. Kana musikwanisa kuita, tinzvileiwo tsitsi uye tibatsilenyi 23 Jeso adoti kwaali, ''Kana zvisibvila'? Zvose zvili nyole kuna wanotenda.'' 24 Nokulumbidza baba womwana wadolila wasishewedzela uye wasiti, ''Ndinotenda! Ndibatsilenyi pakusatenda!'' 25 Ipopo Jeso adoona wazinji wasimhanya kwaali, adodzinga mwoya idoipa uye adoti, ''Iwe mbewewe newe mwoya usinganzve, buda maali, uye usapinda zvakale maali.'' 26 Adolila zvikulu ukamubvundisa zvikulu uye wakabva wabuda. Mukomana uyu adoita sowapfa, nokudalo wazinji wadoti, ''Wapfa.'' 27 Asi Jeso adotola akamusimudza janja akamusimudza, mukomana adosimuka. 28 Jeso padopinda mumba, wadzidzi wake wadomubvunza pachidohwanda, ''Tinoyabvisa senyi? 29 ''Adoti kwaali, ''Zvoludzi ulu hazvibude pasina kunamata.'' 30 Wadobuda ipapo uye wadupfuula nepaGalili. Haaida kuti aziwikaniwe nani zvake kwawanga wali, 31 nokuti waipfundisa wadzidzi wake. Adoti kwawali, ''Mwanalumbwana womunhu asaisiwa mumanja owanhu, uye wasamuisa mukupfa. Kana apinda mukupfa, kwomazuwa matatu asazomuka kwapfuula mazuwa matatu zvakale.'' 32 Asi hawana kunzvisisa chilevo, uye wakacha kumubvunza. 33 Ipopo wadouya kuKapenamu. Mushule mokupinda mumba akawabvunza, ''Manga musitaulilana nozvei munzila?'' 34 Asi wakalamba wakanyalala.Wainga wasipikisana pachawo wali munzila wasiti ndiani aiwa mukulu. 35 Asigala pasi, adodeedza wane gumi nowawili pamwe chete uye adoti kwawali, ''Kana mumwe asida kuita wokutanga, anofanila kuwa wokupedzisa kuno wose uye walanda wose 36 Adotola mwana mudiki uye wakamudila pakati pawo. Adomutola nomumapindikiti uye adoti, 37 ''Wose asatambila mwana uyu muzita langu asatambila neniwo. 'kuno uyo anonditambila haatambile ini asi kuno uyo adondituma. 38 Johane adoti kwaali, ''Mudidzisi, taona mumwe asidzinga madhimoni muzita lenyu tamumisa, nokuti haafanili kutewedzela. 39 ''Asi Jeso akati, ''Musamumisa, nokuti hakuna nomubodzi anoita basa lakanaka muzita langu uye nokupfulila kuita chakaipa nokuda kwangu 40 Kuno wose asingapikisane neisu ndowedu. 41 Wose anokupasa komichi yomvula kuti umwe muzita langu ndewa Mwali, chokwadi ndinoti kwauli, haalase mubailo wake. 42 Wose anokonzela mubodzi wowadiki awa wanotenda mandili, zvidonaka kuti kusungilihwa chidombo chinodotendelela mutsipa uye wokandiwa mugungwa. 43 Kana janja yako yakukonzela kutadza, gwata. Zvidonaka kuti upinde muupenyu uli chilema pane kugala nomajanja mawili uye wopinda mugehena, mulimi memoto. 44 45 Kana tsoka yako yakukonzela kutadza, gwata. Zvidonaka kuti upinde hupenyu uli chilema pane kuwa nemakumbo mawili uye wopinda mugehena. 46 47 Kana ziso yako yakukonzela kutadza, cheka zvakana kuti upinde muumambo hwaMwali neziso ibodzi pane kuti uwe nemaziso mawili wokandiwa mugehena, 48 kana honye dzisina kufa, uye moto hauende kule. 49 Mubodzi nomubodzi asaisiwa munyu nomoto. 50 Munyu wakanaka, asi kana walasa kuwawa, ungawa munyu senyi zvekale? Iwai munyu pakati penyu, uye iwai nolunyalalo pakati penyu