Chikamu 8

1 Pamazuwa iyayo, padoita futi wanhu wazinji, paiwe pasina chokuja. Jeso adodaidza wa dzidzi adoti kwawali, 2 "Ndikunzva ntsisi na wanhu wanesu wasina kuja kwemazuva matatu. 3 Kana ndikawaendesa wasina kuja kudzimba dzawo ,wanogona kuwa munzila.Wamwe wawo wanobva kulefu." 4 Wadzidzi vadomupindula, "Tingawane kupi zvingwa zvinga ngawakwanile munzvimbo ino idedeli kuti wagute?" 6 Adowabvunza, "Mune zvingwa zvingani zvamunazvo?"Wadoti,"Zvinomwe." 5 Adolaila wanhu kuti wagale pasi. Adotola zvingwa zvinomwe, akazvikombolela, akazvimedula. Akazvipa kuwadzidzi kuti awape, ivo wakapa kuluzinji. 7 Wainge wane hove shoma dzitiki, adodzikombolela futi akalaila wadzidzi kuti wawape futi. 8 Wadoja wakaguta, wakaunganidza zvidimu zvange zvasalila, zvikaita matengu manomwe makulu. 9 Paiwe ne zviulu zvina zvawanhu. Adowaendesa kwawo. 10 Pakalepo adopinda mugwa na wadzidzi, wadoenda kunzvimbo ye Dalimanuta. 11 Pakalepo waFarisi wadouya wakatanga kupikisana naye.Wadotsvaga chilatidzo chakudzulu, kuti wamuedze. 12 Adopinda mumoya akati, " Ndawayeyi ludzi ulu linotsvaga chilatidzo? Chokwadi ndinoti kwamuli, hakuna chilatidzo chichapiwa ludzi ili," 13 Pakalepo adobvapo, akapinda mugwa zvekale, akayambukila mhili. 14 Ipapo wadzizdi wakakanganwa kutakula chingwa.Wakange wasina kana nechigingwa mugwa. 15 Adowalailidza, kuti, " Ngwalilayi mulinde ne kuongolola mbiliso yawa Farisi ne mbiliso ya Helodi." 16 Wadzidzi wadonzvilana pachawo wega, " Nekuti hatina chingwa." 17 Jeso waiwe achiziva zvainge aleva, adoti kwawali," Ndawayeyi munonzvilana kuti mulibe chingwa? Hamuna kuona, hamuna kunzvisisa? Moyo wenyu wasvibisiwa? 18 Muna meso ,hamuone? Muna nzeve, hamunzve? Hamukumbuke? 19 Pandidomedula chingwa chishanu pakati pezviulu zvishanu, mangani matengu yechingwa yamakaunganidza?" Wadoti kwaali," Gumi ne zviili." 20 "Pandidomedula zvingwa zvina pakati pe zviulu zvina, mangani matengu yamakaunganidza yezvimedu zvechingwa? "Wadoti kwaali, "Zvinomwe." 21 Adoti, " Hamusati makunzvisisa?" 22 Wadouya ku Betisaida. Wanhu wakamuunzila kwaali mulume waiwe bofu wakakumbila kuti amubate. 23 Jeso adobata mulume bofu luoko, akabulika naye kunze kwe musha. Adomusvipila mate mumasizo na kubata chiso chake, adomubvunza, " Unoona chinyi?" 24 Adotalisa kudzulu , " Ndili kuona munhulume anenge muti ukutekaila." 25 Adomubata chiso pakale, pakalepo meso akabanganuka,meso akatoma kuona zvekale, akaona zvakanaka zvinhu zvose. 26 Jeso adomuendesa kumba kwache akati, "Usapinda muguta." 27 Jeso adoenda pabodzi nawa dzidzi wache kumusha we Sizaliya Filipi. Ali munzila adobvunza adzidzi , "Wanhu wanonditii wachindiona? 28 Wadomupindula achiti, " Jono Muombeki.Wamwe wanoti, "Elija" wamwe wanoti , " Mubodzi wava polofita.' 29 Adowabvunza, " Ko imi munoti ndini yani?" Petulo adoti, "Ndimi Kilisito," 30 Jeso adowaudza kuti waleke kutaulila ani zvake. 31 Adotanga kuvaudza kuti mwanalumbwana anofanila kutambudziwa zvizhinji, uye achalambiwa nawakulu na wakulu wawa pilisita nawa nyoli, achaulaiwa, kwapela mazuva matatu achamuka. 32 Adotaula mau yakaleyo pachena. Petulo adomutola wakaenda palutivi akatoma kuitilana nhalo naye. 33 Asi Jeso adotendeukila nokunangala wadzidzi wache akapikisana na Petulo akati, "Bulika iwe, Satani! Hausi kuisa pfungwa dzako pana Dedza, asi papfungwa dzawanhu. 34 pakalepo adosheyedza wanhu na wadzidzi wake pabodzi, adoti kwaali, " Anoda kundilondola , ngaazvilambe iye pachake, atakule chipiyaniso chake, andilondole ini pano. 35 Adoda upenyu hwake achalasikihwa nahwo, naiye anolasikihwa nahwo nekuda kwangu pamwe nekuda kweshoko achauhwana. 36 Zvibatsileyi kuti munhu awane nyika yose pane kutaikihwa neupenyu wake? 37 chii munhu chingaite kuti a tsinhe upenyu hwake? 38 Kuna uyo asingazvidembe pana ini na mau aya mune zveupombwe ne pazvakaipa paludzi ili, Mwanalumbwana wa Dedza uchamunyalila muumambo wa Baba ne ngilozi dzinoyela.