Chikamu 7

1 WaFalise newamwe wanyoli waibva Jelusalemu wadoungana wadoungana wakamukombeledza. 2 Wadoona wamwe wewafudzi wake wasija chingwa nomaoko adosviba, asinakugezewa. 3 (WaFalise nawaJudha hawaje mushule mokunge wageza manja, nokuti wanobatilila kutsika yewakulu wawo. 4 WaFalise pawakauya kubva kumusika, hawaji mushule mokunge wageza pachawo, uye wanogamuchila, zvakaita sekusuka mikombe, mapoto, zvinhu zvesimbi, nepawanojila.) 5 WaFalise newanyoli wadobvunza Jeso, ''Senyi wadzidzi wako wasingatekaile netsika dzewakulu, asi wasija chingwa nomaoko adosviba?''' 6 Asi adoti kwaali, ''isaya adopolofita pamusolo penyu wanyengeli. Sezvakanyolewa, 'Wanhu awa wanondilemekedza nomulomo yawo, asi mwoya yawo ilikuleneni. 7 Kutenda kusina chinhu wanopa kwandili, zvidzidzo nemilawo yawalume somutemo yawo.' 8 Wadosiya milailo yaDedza uye wadobatilila kutsika yawanhulume.'' 9 Iye adoti kwawali, '' mungalambe senyi milailo yaDedza kuti muchengete tsika dzenyu! 10 Mozisi adoti, ' Lemekedza baba namai,' uye, 'anotaula zvidoipa zvbaba wake kana amai zvulokwazvo anofa.' 11 Asi unotaula, 'mulume akati kuna baba namai, ''Rwose lubatsilo lamudogamuchila kubva kwandili haluna basa''' (kulewa kuti, 'zvopiwa Dedza'), 12 Asi hamumutendeli kuitila zvinhu kuna mai nababa wake. 13 Iwe ulikugadzila shoko roendelana netsika dzamakamisikidza pasi. Uye zvizinji zvidofanana munoita.'' 14 Adoshedza chaunga zvekale uye adoti kwaali, ''Telela kwandili, mose, uye nzwisisa. 15 Hapana chinhu kunze kwemunhu chingamusvibise kana zvapinda maali. Ndizvo zvinobuda mumunhu ndozvinomusvibidza.'' 16 Kana munhu anonzewe nganzwe. 17 Jeso paadosiya chaunga adopinda muimba, wadzidzi wadomubvunza pamusolo pomufanikidzo. 18 Jeso adoti,''Muchili nokusanzwisisa hele ? Hamuoni chero chinopinda mumunhu nokunze hachigone kumuzvibisa. 19 Nokuti hachigoni kuenda mumwoya make, asi chinoenda mudumbu chinobuda mugomba?'' Nemutsala uyu Jeso adoita kuti chokuja chose chichene. 20 Adoti, '' icho chinobuda mumunhu ndochinomusvibisa. 21 Mukati momunhu, kunze kwomwoya wake, munepfungwa dzidoipa, chihule, humbavha , kuulaya, 22 hupombwe, hupenzi, huipi, kunyepa, kusagadzikana, ziso lidoipa, kuzvida. 23 Zvose izvi zvinobva mukati, uye ndizvo zvinosvibisa munhu.'' 24 Adosimuka kubva ipopo adoenda kunhalaunda yeTile neSidoni. Adoenda muimba, uye aisada kuti wanhu waziwe kwaiwa, asi aisawanzika. 25 Asi nokukasika, umwe mukadzi aiwanomwana mudoko aiwanomwoya yidosviba adonzva nezvake, adouya adogwadama pasi patsoka dzake. 26 Ikozvino mukadzi aiwa muGiliki, ludzi rweSailofonisheni. Adokumbila kudzingiliwa mwoya udoipa mumwana wake. 27 Adoti kwaali, ''Itayi kuti wana watange kuja. Nokuti hazvitendelewe kutola chingwa chawana molasila imbwa.'' 28 Asi adopindula uye adoti kwaali ,'' Hongu, Mambo, nyangwe imbwa pasi petafula dzinoja mafufu ewana.'' 29 adoti kwaali, Nokuda kwezvawalewa, udosininguka kuenda. Mwoya udoipa wabuda kumwana wako.'' 30 Adoenda kumba yake adoona mwana wake adolala pamubhedha, mwoya uya wabuda. 31 Adoenda panze penhalaunda yeTile, uye adopfula nepaSidoni kugungwa leGalili kuzvika munhalaunda yeDikapolisi. 32 Wadounza munhu kwawali aisanzwa ainetseka kutaula, wadomukumbila kuti atsitse janja lake kwaali. 33 Wadomutola kubva pachaunga chinyalalile, adoisazvikumo zvake munzewe dzake, uye adomusvipila uye adobata lulimi rwake. 34 Adonangala kudenga, akatolamafemo, uye akati kwaali, '' Ephphatha,'' ndokulewa, kuti "vhulika!'' 35 Pakalepo nzewe dzidovhulika, kulema kolulimi kukasununguliwa, uye akatanga kulewalewa zvidonaka. 36 Jeso adolaila kwawali kuti wasaudze wanhu. Asi paiwalaila zvakanyanya, waiwedzela kulewalewa. 37 Wakashamisiwa zvikulu, wadoti, ''aitazvinhu zvose zvidonaka. Adoita wasinganzwe kuti wanzwe uye kuti wasingalewelewe walewe. ''