Mako Chikamu 12

1 Nokudalo Jeso adotanga kupfundisa nomufanikiso. Adoti, ''Munhulume adojala munda womuzambilinga, adoisa sose asiutendeledza, uye adochela pokusvinila. Adowaka imba yokutalisila uye adopa mvumo yomunda womuzambilingwa nokuwalimi. Nokudalo akabva aenda kuhwendo. 2 Nonguwa idokodzela, adotuma mulanda kuwalimi womuzambilinga kuti anopiwa muchelo yomuzambilingwa. 3 Asi wakamutola, wakamubanza, uye adodzoka asina chinhu. 4 Zvakale adotuma kwawali mumwe mulanda, uye wamukuwadza mumusolo uye vakamubata zvinopisa tsitsi. 5 Adomutuma mumwe kamu, uyu mubodzi wadomubaya.Wadoshunguludza azinji nonzila ibodzi, wamwe asibanzuhwa amwe asiulaiwa. 6 Akasala nomunhu mubodzi, mwanakomana waaida. Ndiye wanga ali wokupedzisila kutuma.Adoti, 'Wasalemekedza mwana wangu.' 7 Asi walimi womuzambilinga wakati pachazvawo, 'Ndiye muji wenhaka. Huyai, ndatimubayei,uye nhaka inozoita yedu.'' 8 Wadomushunguludza, wakamubaya, uye wakamukanda kunze kwomunda. 9 Nokudalo, chinyi chidozoitika kumulidzi womuzambilinga? Anouya kuzopaladza walimi womuzambilinga uye wopa munda womuzambilinga kune wamwe 10 Makambowelenga lugwalo ulu? 'Dombo lidolambiwa nowawaki lakazowa musolo wekona. 11 Izvi zvinobva kuna Dedza zvinoyewedza meso yedu. 12 ''Mushule maizvozvo watungamili womaJudha wakagadzila nzila yokusunga nayo Jeso nokuti wainzvisisisa kuti waiwataula nomufanikiso unowapikisa.Asi wadocha chaunga.Wadomusiya uye wakaenda. 13 Zvino adotumira wamwe waFalise uye waHelodhe kuti wamubate nomashoko. 14 Pawadosvika, wakati kwaali, '''Mupfundisi, tineziwa mune hanya nesaludzo yomubodzi nomubodzi,uye hamulatidzi wanhu musiyano pakati pawo. Munofundisa nzila yaMwali. Imhosva hele kubhadhala mali kuna Kesali kana kwete? Tinobhadhala kana kwete? 15 ''Asi Jeso aiziwa kunyengela kwawo adoti kwawali, 'Senyi musida kundiedza? Ndipei dhinaliusi ndigolitalisa.'' 16 Wadzounza libodzi kuna Jeso. Adoti kwawali, ''Ndokupi kufanana nokunyola uku?'' Wadoti, Kesali.'' 17 Jeso adoti, ''Ipai zvaKesali kuna Kesali,uye zvaMwali kuna Mwali, ''Wakashamisiwa nokutaula nokutaula kwaadoita. 18 Nokudalo waSadhuse, wanoti hakuna lumuko,wadouya kwaali. Wadomubvunza, wasiti, 19 Mupfundisi, Mozisi adotinyolela, 'Kana bhuti womumhulume wapfa uye akasiya munhukadzi alipo,asi asina mwana, munhulume uyu anotola mukadzi wabhuti wake, uye woisa mbewu yabhuti wake.' 20 Paiwa nawanakomana wanomwe, wokutanga adotola munhukadzi uye adopfa, adomusiya asina mbeu. 21 Wochipili adomutola zvakale uye adopfa, adomusiya asina mbeu, uye wochitatu saizvozvo. 22 Wechinomwe adomusiya asiya mbeu. Pokupedzila, munhukadzi adozopfa 23 .Palumuko , kana wamuka zvakale, ndoupi mulidzi womunhukadzi zvokale, asawa mukadzi adoita senyi? Akawa munhukadzi wawo wowanakoma wanomwe. 24 Jeso adoti, ''Ndokusaka chikonzelo muli kutadza, nokuti hamuziwi magwalo kana simba lili muna Mwali? 25 Pawasamuka kuwadopfa, hawaloole kana kupiwa mukuloola, asi wasaita sengilozi dzili mudenga. 26 Asi maelelano nokumuka kuadopfa, hamuna kuwelenga bhuku yaMozisi, nonyaya yomusango, kutaula kwadoitiwa naMwali adotaula kwaali uye adoti, ''Ndini Mwali waAbhulahamu uye Mwali waIsaka uye Mwali waJakobho? 27 Haasi Mwali woadopfa, asi anolalama.Iwe wakanganisa. 28 Mubodzi wawanyoli adouya uye adonzva nhaulilano, adoona Jeso akawapindula zvakanaka. Adowabvunza, 29 ''Jeso adowapindula, ''Chakanyanyo naka ndoichi, 'Inzwa, Izilaeli, Dedza Mwali wedu, Dedza mubodzi. 30 Une fanila kuda Dedza Mwali wako nomwoyo wako wose, nomwoya wako wose, uye nopfungwa dzako dzose uye nosimba lako lose.' 31 Mulailo wochipili ndouyu, 'Unofanila kuda muwakidzani wako sokuzvida kwauneita.' Hakuna mumwe mulailo unokunda uyu. 32 Wanyoli wadoti, ''Mupfundisi Adonaka! Mataula chokwadi kuti Mwali mubodzi, uye hakuna mumwe kunze kwake. 33 Kumuda nomwoyo wose nokuzvinzvisisa kwose uye nosimba, lose uye kuda muwakidzani sokuzvida kwaunozviita zvinokunda kupisa miplo nozvibailo. 34 Jeso pawadoona kuti wapiwa mhindulo idochenjela, adoti kwawali, Hamusi kule nuhumambo hwaMwali. ''Mushule maizvozvo, hapana kana mubodzi adozoda kubvunza Jeso chelo mimwe mibvunzo. 35 Apo Jeso pawaipfundisa mutembele maitongehwa, adoti, Senyi wanyoli awa wasiti Kilisito mwanalumbwana waDavhidhi? 36 Davidhi pachake, ali mumwoya mutsvene, adoti, 'Dedza adoti kuna Dedza wangu, ''Galanyi kujanja loluji langu kusvikila ndaisa wawengi wenyu pasi petsoka dzenyu.'' 37 Davhidha pachake adodedza 'Dedza,' ko senyi maKilisito wasinzi waDavhidhi? Chaunga chikulu chidofala wasitelela kwaali. 38 Mukupfundisa kwake Jeso adoti, ''Ngwalilai wanyoli wanoda kufamba wakapfeka micheka michena uye wasida kumholesewa munzvimbo dzokutengesela, 39 uye kuti wawe nezvigalo zvakakosha musinagogi uye nzvimbo dzinolemekedzewa pamutambo. 40 Uye waipfuudza dzimba dzochilikadzi, uye wainamata nguva lefu kuti wanhu waone. Wanhu awa kulambiwa kukulu. 41 Nokudalo Jeso adogala pasi padhuze nebhokisi lempilo munzvimbo yemutembeli; aiona wanhu wasidonhedza mari yawo mubhokisi. Wazinji wadopfuma waisa mali idowanda. 42 Nokudalo munhukadzi mulombo akauya nekamali kadiki, kaitenga bhilo. 43 Adodeedza wadzidzisi wake uye adoti kwawali chokwadi, ndineti kwamuli, chilikadzi iyi yaisa mali idowanda kudalika wose wapa mubhokisi lempilo. 44 Kuna wose wapa wasitola pazinji pawo.Asi chilikadzi. iyi yatola paholombo hwayo, aisa mali yose yaailalama nayo