Chikamu

1 Pawainge wachiuya Jelusalema, wasvika padhuze Betiphagi ne Bethani pagomo lemu Olivi , pakale Jeso adotuma wadzidzi wavili , 2 adoti kwavali, "Pindayi mumusha udotalisana naisu. Pamunopinda pakalepo, muchawana dongi lisati latasviwa. Mulitsudugule nakuuya nalo kwandili." 3 Kana pane mumwe anokubvudzayi, "Mukuzvitileyi? munoti, mambo akulida achaliunzitsa pakale." 4 Wadoenda ndokuona dongi lidomangiwa pamusuwo kunze kwe nzila, vakalitsugudula. 5 Wanhu vainge vadomilapo wadoti kwawali, "Mukuiteyi,mukutsudugula dongi ili?" 6 Wadotaula sekutaulihwa kwawadoitiwa na Jeso, wanhu wakawalekela wachienda zvawo. 7 Wadouya ne dongi kuna Jeso wachikanda mabhachi palili, 8 Wanhu wadowanda wakawalidza mabiza munzila, wamwe wachiwalidza mashizha yawange wagwata kubva mumunda. 9 Awo waitungamila mbeli nawaitewela mumashule waidanizdila, "Hosana! "Ngaakombolelewe uyo anouya muzita la Dedza! 10 Ngaakombolelewe anouya muumambo wa Baba wedu Dhavidi! Hosana Anosimudzihwa. 11 Pakalepo Jeso adopinda mu Jelusalema akapindilila kuenda ku tembeli achinangala wese ayiawa adomukombelezda. Ava maulo , adoenda Betani na wane guni na wawili. 12 Mangwanani yacho paibva Betani, adofetuka. 13 Adoona muti wemukuyu ali chinhambwe waive nemazani akasvipila, adofendela paduze nawo kuti angawane muchelo pauli, hapana chaakawana asi mazani chete, nekuti yanga isili nguva yamakuyu. 14 Adotaula kwauli, " Hapana achazoja muchelo kubva pauli zvekale.' Adzidzi wache adozvinzva. 15 Wadosvika Jelusalema, adopinda mutembele na kutanga kudzingidza waitengesa na waitenga muTembeli. Adokudubula matebulu yewaitsatsa mali na matebulu yewaitengesa hangaiwa. 16 Haana kutendela waitengesa kutakula zvawaitengesa kubva mutembeli. 17 Adowafundisa adoti, " Hazvina kunyoliwa zvichinzi, "Mumba yangu ichanzi mumba yakunamatila nyika yose"? Asi maita mumba ye mbavha." 18 Wakulu wawa pilisita na wanyoli wadonzva zvose zvadolewa, Waimucha nekuda kwawanhu ne luzhinji waifazdiwa naye. 19 Padosvika maulo,wadobulika muguta. 20 Pawaifamba manganani, wakaona mukuyu wasvawa kusvikila kumidzi. 21 Petulo adolangalila adoti, "Rabbi,[mudzidzisi] tarisanyi! Mukuyu wadotukana wasvawa." 22 Jeso adovapindula, "Iwayi na kutenda Dedza. 23 Chakwadi ndinoti kwamuli munhu akati ku gomo, " Ibva uzvikandile pachako mugungwa, akazviita asinganyunyute mumoyo wache asi achitenda zvichaitika, ndizvo Dedza anoita. 24 Ndinoti kwamuli:Zvose zvamunamatila na kukumbila, tendanyi kuti muchazvipiwa,uye kuti zvichawa zvenyu. 25 Pamunosimuka muchinamata, munofanila kulekelela wanokutadzilanyi, kuitila kuti Baba wedu ali kudenga atilekele kutadza kwemhosva dzedu. 26 [ Mubhu la Mako hamuna mashoko aya :asi kana musingalekelele, kana kuti Baba wedu tilekeleleyi kudalika kwedu.] 27 Wadosvika Jelusalema zvekale. Jesu waifamba mutembeli, wakulu wawa pilisita, wanyoli, wakulu wakauya kwaali. 28 wadoti kwaali, "Mvumo yaani inokutendela kuita izvi zvaunoita, uye mbani adokupa mvumo iyoyi? 29 Jeso adoti kwaali, "Ndichakubvunzanyi mubvunzo mubodzi.Ndiudzeyi ini uye ndichakuudzanyi kuti mvumo yandinoita nayo zvinhu izvi. 30 Kuombeka kwa Johani, kwaibva kudzulu[denga] kana kuwanhu? Ndipindulenyi." 31 Wadokulukulilana pakati pawo na kuitisana nhalo wakati, "Tikati zvinobva kudenga,' achati,' Senyi musingamutende?' 32 Asi tikati kuwanhu,'....'Wadocha wamhu, nekuti wose waitenda kuti Johwani waiwa mupolofita. 33 Wadopindula Jeso wakati, " Hatiziweba," Pakale Jeso akati kwawali,"Neniwo handikakuudzeyi mvumo yandinoita nayo izvi zvinhu."