Chikamu 10

1 Jeso adobva munzvimbo adoenda munhalaunda yaJudhiya uye nematilimana yeJolidani, uye chaunga chidouya kwaali zvekale. Iye aiwafundisa zvekale, sezvaaifanila kuita. 2 Ipopo waFalise wadouya kuzomuedza uye wadobvunza, '' Zvilipamutemo hele kuti mulume alambe mudzimai wake?''' 3 Iye adopindula asiti,'' Moses adokuudzayi kutiyi?'' 4 Wadoti,'' Moses aitendela kuti mulume alambe mudzimayi wake uye womudzinga.'' 5 ''Zvaiwa nokuda kwomwoyo yenyu idooma yakaita kuti akunyoleleyi mulailo uyu,'' Jeso adolewa kwawali. 6 ''Asi kubva pakusiliwa kwokutanga, 'Dedza adosika walume nowakadzi.' 7 'Nechikonzelocihi mulume achasiya baba naamai wobatanidziwa nomudzimai wake, 8 uye wachawa nyama imwe.' Nokudalo hawachawa wawili, asi nyama iwe. 9 Naizvozvo Dedza achawabatanidza pamwe, hapana munhu achawapaladzanisa.' 10 Pawaiwe muimba, wadzidzi wadomubvunza zvekale pamusolo pazvo. 11 Iye adoti kwawali, ''Wose anolamba mukadzi uye wolola mumwe anenge achiita hupombwe kwaali. 12 Iye akalamba mulume wake uye wolorwa nomumwe, anenge achiita hupombwe.'' 13 Wadounza wana waduku kwaali kuti awabate, asi wadzidzi adowaudza . 14 Asi Jeso pakazviziwa, haana kufalanazvo uye adoti, Tendelayi waduku wauye kwandili, uye musawalambidze,nokuti humambo hwaDedza ndeweawo wakafanana naiwo. 15 Zvokwadi ndinoti kwamuli, Wose asingagamuchile humambo hwaDedza somwana mudoko zvokwadi hapindemo.' 16 Iye anotola wana mumaja ake uye adowalopafadzapakatulika manja kwawali. 17 Paadotanga rwendo rwake, adomanyila kwaali uye akapfugamapambeli pake iye adobvunza,Mufundisi adonaka, ndingaitasenyi kuti ndiwe nohupenyu usingagume?'' 18 Jeso adoti, '''senyi uchinditi wakalulama?Hapana adolulama kunze kwaDedza woga. 19 Unoziwa mitemo: 'Usauraya, Usaitahupombwe, Usaba, Usapupulanhema, Usatola zvisizvako, lemekedza mai nababa.''' 20 Mulume adoti, ''Mufundisi, zvose izvi ndikatedzela kubva pahujaya.'' 21 Jeso adomutalisa uye akamuda. Adoti kwaali, ''chimwe chausina.Unofanila kugulisa zvose zvaunazvo upewanotambula, uye uchawa noupfumi kudenga. Naizvozvo huya, nditewele.'' 22 Asi nokuda kwechilewo ichi adotsamwa uye akabatikana, nokuti aiwa nozvinhu zvizinji. 23 Jeso adotalila uye akati kuwadzidzi, '' zvidooma kune awo wadopfuma kuti wapinde muhumambo haDedza!'' 24 Wadzidzi wadoshamisika nomashoko awo. Asi Jeso adoti kwawali zvekale, ''Wana, zvidooma kupinda muhumambo waDedza! 25 Zvilinyole kuti ngamela ipinde nopakati potsono pane mupfumi apinde muimba yaDedza.'' 26 Wakawe nokushamisiwa kukulu uye wadoti pachawo, ''Ndiani achanunuliwa?'' 27 Jeso adowatalisa uye akati, ''Newanhu hazvigoni, Asi naDedza.Zvinhu zvose zvogoneka.'' 28 Pita adotanga kutaula kwaali, ''Talila, Tasiya zvinhu zvose uye tikakutewelayi.'' 29 Jeso adoti,'' zvokwadi ndinoti kwauli, haapana munhu adosiya imba, madzikoma, wanasisi, amai, baba, wana, nokuda kwangu kana shoko 30 Asingazogamuchidzwe mazana matatu seizvozvi munyika: dzimba , madzikoma, hanzvadzi, wana nomasango nokulowelelewa munyika ichauy, hupenyu husingapele. 31 Asi wazinji wokutanga wachawa wokupedzisila.'' 32 waiwa mujila kuenda Jelusalema, uye Jeso adoenda pambeli pawo. Wadzidzi wakashamisiwa, uye waitewela kumashule waiwa nokucha. Jeso adotola gumi nawawili padiwi zvekale uye adotanga kuwaudza zvaizoitika kwaali. 33 ''Honayi, tikuenda kuJelusalema, mwanakomana womunhu achapiwa kuna MambowemaPilisita nawanyoli. Iwo wachamulamba kuzvika mukufa wachamupila kuno maludzi asingade Mwali. 34 Wachamutuka, kumusvipila,kumulowa, nokumuulaya.Asi nomazuwa matatu achamuka.'' 35 Jemusi naJowani, wanakomana waZebhedhi, wadouya kwaali wakati, ''Mufundisi, todamutiitile zvatinoda .'' 36 Adoti kwawali, ''Munoda ndikuitileyi chiyi?'' 37 Wanoti, ''Titendeleyi kugala nemi munyasha, mumwe kuluboshwe mumwe kuludyi rwenyu.'' 38 Asi Jeso adopindula kwawali. ''Hamuziwi zvamukukumbila imi. Munokwanisa kunwila mukomichi yandonwila kutsungilila kubhabhatidzwa nezvandichabhabhatidzwa nazvo?'' 39 Iwo wadoti kwaali, '' Tinokwanisa.'' Jeso adoti kwawali, '' Komichi yandichanwila, uchanwila, uye kubhabhatidzwa kwandichaitiwa newe uchabhabhatidzwa. 40 Asi wose wanogala kuluoko rwangu loluji kna kuluboshwe andisi ndinotaula, Asi kune awo wakagadziririwa.'' 41 Wamwe wadzidzi gumi wadonzva pamusolo pazvo ,wadotanga kugumbuka naJemusi naJona. 42 Jeso adowadana akati kwawali, ''Munoziwa iwo wanowelengwa sewatongi wemaludzi wanowapa, kuwakulu kuti wanodzidzila mitemo kwawali. 43 Asi azvizowa seizvi pakati penyu. Wose wanoshuwa kuwamukulu pakati penyu anofanila kuwa mulanda wako, 44 uye wose wanoda kuwa wokutanga pakati penyu anofanila kuwa mulanda wewose. 45 Mwanakomana womunhu ahana kuuya kuzosunungurwa, Asi kuzosunungula, uye nokuzopa hupenyu somubailo wewazinji.'' 46 Wadouya kuJeliko, Pawaibva Jeriko newadzidzi uye chaunga chikulu, mwana waTimaeus, Bartimaeus, bofu linokumbila , lidogala panzila. 47 Pawadonzva kuti ndiJeso weNazarene, wadotanga kuunguta wasiti ,'' Jeso mwana waDhavhidha, ndinzvileyi ngoni!'' 48 Wazinji adotuka mulume aiwa bofu, wasimuudza kuti anyalale. Asi adochema zvidonyanya, Mwana waDhavhidha, ndinzvileyo ngoni!'' 49 Jeso adomila uye wakalaila kuti adaidzwe. Wadomudaidza, wasiti, ''Shingilila! Simuka! Iye alikukudana.'' 50 Adolasa padivi bhachilake, akasimuka, uye akauya kuna Jeso. 51 Jeso adomupindula uye asiti, ''Unoda ndikuitileyi?'' Mulume aiwa bofu akati, ''Mambo, kutindione.'' 52 Ipopo Jeso adoti kwaali, ''enda. Kutenda kwako kwakupolesa.'' Nokukasika adotanga kuona zvakale, uye akamutewela munzila.