Chitsauko 9

1 Sauro, aityisa achichidzira wadzidzi waIshe kuda kuwauraya, akaenda kune wakuru wemaprisita. 2 Akakumbira tsamba kuti aenda kuDhamasiko, kumasinagoge, kuti aone amwe mumzira iyo, mukadzi kana murume, kuti awasunge kuJerusarema. 3 Achienda, achisvika pedyo ne Dhamasiko, chakapenya chimwe chiendza chibva kudenga. 4 Chikamukomberedza. Akadona pasi, akanzwa inzwi richiti: Sauro, Sauro, urikunditewereiko? 5 Iye akati: Ndimi aniko Ishe? Iye akati: Ini ndini Jesu , waworikutewera. 6 Asi simuka upinde muguta; imumu uchaudzwa zvikuita. 7 Warume waenda kurwendo naye wakamira wakashaya chekutaura wachinzwa inzwi. 8 Sauro akasimuka kubva pasi, akavhura madziso ake, akanga asingawone munhu; akamubata rwoko achimutugamirira, wakamutora wakaenda naye kuDhamsiko. 9 Akaita mazuwa matatu asingawone; aina kudye , kana kunwa. 10 KuDhamsiko kwakanga kune umwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe wakati muchiratidzo: Ananiasi! Iye akapidura: ndiripano Ishe!: 11 Simuka, henda kutsvimbo inonzi nzira bvudza kumba kwaJudasumwe anonzi Sauro, weTasasi; nekuti iye akunamata. 12 Iye akawona muchiratidzo, umwe murume anezita raAnaniasi, aipinda, kwaari oisa muwoko, kuti adzoke achiwona. 13 Ananiasi akapidura: Ishe, Ndakazwa zhinjigi zvemurume uyo, kuti anoita zvisena kururama kutswene wenyu kujerusarema; 14 Iye anesimba kuwakuru wemaprisita kuti asungwe wese anodanidzira zita renyu. 15 Asi Ishe wakamuti: Enda kwaari nekuti ihari yandasarudza kuti itore zita rangu pamberi pewaehdeni, nemadzimambo, newana waIsraeri; 16 Nekuti ini ndichamuratidza achatambudzika sei nezita rangu. 17 Ananiasi akaenda, akapinda mumba; akaisa mawoko pamusoro pake, akati: Hama Sauro, Ishe ndiye Jesu akawinga murimumzira, kuti iwe udzokere kuwona, uye zadzwa neMweya Mutswene. 18 Pakarepo zvinhu zvakaita semakwati zvakabva mumeso ipapo akadzoka achiwona; akasimuka, akaenda kunobhabhatidzwa. 19 Pakadye Iye akasimbiswa. Sauro agara mazuwa newadzidzi wakanga wariku Dhamasiko. 20 Munasigagoge waiparidza Kristu, wachiti uya ndiye Mwanakomana waMwari. 21 Wese wainzwa waichamiswa nazvo, waiti: Asi iwo here aiparadza waya waidanidzira zira iri? Ndizvo zvawinga kuno, kuti awasungwe kuwaendesa kuwakuru wemaprisita? 22 Asi Sauro aindza nepanogona napo, aivhiringika wajuda wairarama kuDhamasiko, achiwa ratidza kuti Jesu ndiye Kristu. 23 Mazuwa mazhinji apfura, Wajuda wakawirirana kumuuraya. 24 Asi Sauro akanzwa nezverangano yawo; iwo wairidira musiwo, zuwa nemausiku, kuti wamuuraye. 25 Nokudaro wadzidzi, asvika manheru, wakamuburutsa arimudengu parusvingo. 26 Sauro, pahakauya kuJerusarema, aitsaka kubatana newadzidzi; asi wese waimutya, wasigantende kuti mudzidzi. 27 Asi Bharabhas akamutora naye, akamuwonza kune waapostora, akawataurira masangano akaita na Ishe, akamuti, kuDhasiko ndakataura nezita raJesu. 28 Iye akanga pakati pawo, wachipinda nekubuda muJerusarema; 29 Achitaura nezvizita raIshe akapikisana nemagireke asi iwo watsaka kuuworaya. 30 Hama dzake, wakagamuchira izvi, wakamutora kusvikra kukaseria, wakamutumira kutarisa. 31 Naizwozwo makereke ose akanga arimuJudea neGarerea, nekuSamaria, ngadziwe ne rugare, dzaisimbiswa; uye waifamba wachatya Ishe, Wachinyardzwa neMweya Mutswene, zvaipetwa. 32 Zvakaitika kuti, Petro, achifura kutsvimbo dzose, akauya kune wayswene waigara ku Rida 33 Ipapo iye akawona umwe murume anonzi Eniasi, akanga ane makore masere aripamubheda nekuti akanga arichirema. 34 Petro akamuti: Eniasi, Jesu Kristu ngakuporese; simuka utakure nhoo yako. 35 Pakarepo akasimuka. Wese wagare weRida ne weSharoni wakauya wakatendeuka munaIshe. 36 Mujopa makanga mune umwe mudzidzi, ainzi Tabhita, kana zvichichadurwa anonzi Dhokasi,. Uwo aita basa akanaka uye aipa kune wasina. 37 Zvakaitika mazuwa iwawo, akarwara, akafa; wamugeza wakamuisa kuumba yake yemusoro. 38 Sezvo Rida yakanga iri padunze ne Jope, wadzidzi pawakanzwa kuti Petro ari ikoko, wakatuma warume wairi, wachikumbira kuti wasanonoke kuya kwaari. 39 Petro, asimuka, akaenda nawo; paakasvika akaenda kumba yekumusoro, chirikadzi dzose dzakamukombredza, waichema, wachimuratidza majasi nedzimwe nguo Dorcas akaita pakanga arinawo. 40 Asi Petro, akawais apanze ose; akapfugama, akanamata; akatarira kuchituna, akati: Tabhita, muka; Iye akavhura maziso ake, acheoona Petro, akagara. 41 Achimupa rwoko akamusimudza; akadaidza watswenem nechirikadzi, akawapa arimupenyu. 42 Wagari ose wekoJopa wakazviziwa, wazhinji wakatenda muna Ishe. 43 Akangara mazuwa mazhinji kuJopa nehama yake yainzi Simoni wamatehwe.