Chitsauko 8

1 Uye Sauro akanga aripo achibvumira nekufa kwake. Uye muzuacho makereke majinji akaterwa akanga arimujerusarema; uye wese wakaparadzirwa muJudea, nemuSamaria, kunze kwawapostora. 2 Uye amwe watya Mwari wakatora mutumbi waStefani wakanomuwika, uye wakachema zvikuru nekuda kwake. 3 Uye Sauro aida kuparadza kereke, achipinda muumba, wakatora warume newakadzi, aiwaisa mugeri. 4 Nokudaro, wakanga wakaparadzana waifamba wachiparidza shoko. 5 Uye Firipi, akadzika kuguta reSamaria, aiparidza Kristu. 6 Uye wanhu waiterera nekubvumirana zvaitarwa na Firipi, wachizwa nekuwona zviratidzo zvitwa na naye. 7 Nekuti mweya wetswina, waidanidzira neizwi guru, waibuda wazhinji wakanga wanazvo; uye wakanga wasinga fambi wakaporeswa. 8 Kwakanga kune mufaro mukuru muguta iro. 9 Kwakanga kune umwe murume ainzi Simoni, kare muguta iro aichandisa un'anga, uye aita kuti wana weSamaria wachamiswe nazvo, achizviti munhu muwombe; 10 Wanhu wese waimuterera, kubva kudoko kusvira kumnhu mukuru, wachiti: Iyi simba guru yaMwari. 11 Uye waimuterera, nekuti ne un'anga wake kubva nekare waishamiswa naye. 12 Asi pawakatenda kuna Firipi, aiwaparidzira Shoko reUmambo waMwari, Nezita raJesu Kristu, iwo wakabhabhatidza, warume newakadzi. 13 Uye na Simoni akatendawo; apedza kubhabhatidzwa, akaramba anaFiripi; achiwona zviratidzo zviitwa, akashamiswa nazvo. 14 Uye wapostora wakanga warikuJerusarema, pawakanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, wakatumira Petro na Johani. 15 Pawakadzika wakawanamatira, kuti wagamuchire Mweya mutswene. 16 ( Nekuti apana umwe wake akanga adzika; asi akaida kunobhabhatidza chete nemuzita raIshe Jesu). 17 Iwo wakaisa muwoko pamuro pawo, uye wakagamuchira Mweya Mutswene. 18 Uye Simoni paakawona kuti namawoko wanhu warikupowa Mweya Mutswene, akawapa mare, 19 Achiti: Ndipeiwo simba iri, kuti chero munhu andinoisa mawoko anogamuchira Mweya Mutswene. 20 Asi Petro akati: Mare yako ngaigare newe nekurasika, nekuti wafunga kuti chipo chaMwari chinotoreka nemari. 21 Iwe auna tsvimbo mushoko iri; nekuti moyo wako auna kuchena pamberi paMwari. 22 Tendeuka nekuti, nekutadza kwako, uye namata Mwari, kuti pamwe pfungwa dzako idzi dzirimumoyo mako dziregererwe; 23 Nekuti ndinoona kuti iwewe uzrer ndru inowawa, uye wakasungwa nechiwi. 24 Asi Simoni akadaira, akati: Ndinamaterei imi kuna Ishe, kuti zvadataura zvisauye pamberi pangu. 25 Apadza kupupura nekutaura shoko raIshe, wakadzokera kuJerusarema, uye tsvimbo zhinji dzesamaria wakaparidza shoko. 26 Uye imwe ngirozi yaIshe yakataura na Firipi, ikati: Simuka, enda kumabazuwa, nzira inodzika kuJerusarema ichienda kugaza, kurenje. 27 Iye akasimuka akaenda munzira akasangana nemuyunaki weEtiopiamuchida mukuru aichegenta pfuma ikuru yaKandase, mambokadzi weEtiopia, ndiye aichegetedza pfuma yose yake, akauya kuJerusarema kusonamata; 28 Uye iye aidzika, akagara mungoro yake, uye aiwerenga muporofira Isaia. 29 Uye Mweya wakati kuna Firipi: Sendera pedyo gara mungoro yake. 30 Uye Firipi, akamanya, akanzua kuti iye aiwerenga muporofita Isaia, uye akati: Iwe anozwisisa zvauri kuwerenga? 31 Uye iye akati: ndinoziwa sei nekuti apana andidzidzisa? Uye akakumbira Firipi kuti agare naye. 32 Magwaro aiwerenga ndiwo awa: akatugamirirwa seegwai raindobayiwa uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake. 33 Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa; Ndianiko angataure nezvezvizvarwa zvake? Nekuti munyika upenyu unobviswa. 34 Uye adaira muyunaki kuna Firipi, akati: Ndapota, muporofita arikutaura pamusoro paniko? Kwaari here kana kuti umwe? 35 Uye Firipi, achivhura muromo, akatanga nemashoko iwawo, akamuparidzira maridzo yaJesu. 36 Uye iwo pawaifamba, wakasvika paimwe zvipo yakanga iri nevhura: uye Muyunaki akati: Mvura iripano iyi chiko chinondirambidza kubhabhatidzwa? 37 38 Uye iye akamisa ngoro yake; wese wakadzika mumvura, firipi na muyunaki ; iye akamubhabhatidza. 39 Uye pawakwidza kumvura, Mweya waIshe wakamubvisa ipapo Firipi, uye muyunaki aina kumbobvira amuwonazve, nekuti iye akaenda nemzira yake nemufaro. 40 Asi Firipi akazoonekwa kuazotasi; achipfura, achiparidza shoko kumaguta ose, kusvikira auya kuKesaria.