Ndima 1

1 Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda zvemene. 2 Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezviro zveshe, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako

uchibudirira.

3 Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi. 4 Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. 5 Mudikamwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;

6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza

nomutovo wakafanira Mwari.

7 Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu

kuvahedheni.

8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi. 9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

10 Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa

namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga

vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.

11 Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi

chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndewaMwari; anoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.

12 Dhemetirio unopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe

unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.

13 Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida

kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14 asi ndinotarira kuti ndichakurumidza

kukuvona, tigotaurirana nomuromo.

15 Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire

hama, mumwe nomumwe nezita rake.