Ndima 1
1
Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda zvemene.
2
Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezviro zveshe, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako
uchibudirira.
3
Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi.
4
Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5
Mudikamwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;
6
vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza
nomutovo wakafanira Mwari.
7
Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu
kuvahedheni.
8
Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
9
Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10
Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa
namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga
vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11
Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi
chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndewaMwari; anoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.
12
Dhemetirio unopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe
unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
13
Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida
kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14
asi ndinotarira kuti ndichakurumidza
kukuvona, tigotaurirana nomuromo.
15
Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire
hama, mumwe nomumwe nezita rake.