Ndima 2
1
Vana vangu vadoko, ndinokunyorerai zviro izvi, kuti, murege kutadza. Kana
munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, ena Jesu Kristu wakarurama;
2
ndiye mudzikinuri
wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yeshe .
3
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziya, kana tichichengeta murairo yake.
4
4 Uyo, unoti: ndinomuziva Mwari, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi achisi maari;
5
asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo
zvinotizivisa kuti tiri maari;
6
uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kuhamba vo sezvaakafamba
ena.
7
7 Hama dzangu, handikunyoreriyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamainga munawo
kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakazwa.
8
Pamwe zve ndinokunyorerai
murairo mutsva, chiri chiro chechokwadi maari nememuri; nekuti rima rodarika, chiedza
chachokwadi chotovhenekera.
9
Uyo, anoti: ndiri muchiedza, achizonda hama yake, uchiri
murima kusvikira zvino.
10
Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapana chigumbuso maari.
11
Asi anozonda hama
yake, uri murima, unohamba murima haazivi kwaanoenda, nekuti rima rakafukidza meso ake.
12
12 Ndinokunyorerai, vana vadoko, nekuti makakangamwirwa zvivi nokuda kwezita rake.
13
Ndinokunyorerai, madzibaba, nekuti munoziya iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nekuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vadoko, nekuti
munoziya Baba.
14
Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda
wakaipa.
15
15 Musada nyika kunyangwe nezviro zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo
rwaBaba harusi maari.
16
Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva
kwemeso, nokuzvikudza kovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika.
17
Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.
18
Vana vadoko, inguva yokupedzisira; sezvamakazwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana
antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
19
Vakabva
kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva
kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.
20
imwi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose.
21
Handina kukunyorerai
ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munoiziva, uye nokuti hakunenhema dzingabva
pachokwadi.
22
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu?
Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana. 23
23
Aninani unoramba Mwanakomana, naye aanavo baba.
24
Kana muri imwi, izvo
zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemivo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba.
25
Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi.
26
Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
27
Kana muri imwi, kuzodzwa
kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi
kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, dzisati
dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.
28
Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege
kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake.
29
Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivaivo
kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.