Ndima 4

1 Anhu ese paaka dharika Jorodani, Yahweh wakati kuna Joshuwa: 2 ''Sanangura anarume gumi neairi pakati pembumba. mwanarume umwe parudzi rimwe. 3 Abvunze kuti: 'Torai magumi nemairi emapuwe pakati peJorodani, kumbuto yakaima mapirisita iri mbuto yakawoma, aunzisei uye muwasiye pambuto yamuchawata usikuno'''. 4 Joshua wakadainza anarume gumi neairi angaasanangura pakati pemarudzi reIziraeri, umwe padzindza rimwe. 5 Joshuwa wakawa bvundza kuti: ''Endai Mberi keArika yaYahweh, Mwari wenyu, pakati peJorodani. umwe naumwe wenyu unozotora buwe rimwe mumabhapiro ake, maererano nekuwanda kerudzi ReIziraeri. 6 Itchi tchitchaita tchipangwidziro pakati penyu, kuti kana ana enyu akabvundzisa zwakaitika kare, vachiti, `Mapuwe aya anoti?' 7 imwimwi muti kwavari, `Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi''. 8 Iziraeri yakaita zwayanga yabvundzwa ndiJoshua: Awona akatora gumi nemairi emapuwe pakati peJorodani, mareketero anga akaita Yahweh kuna Jshuwa. Awona akaerenga maererano nokuwanda kemaruzi eIziraeri, akawatwara akenda nawo kumbuto ayanga akagara, uye akaakada apona. 9 Nokudaroko Joshua wakaimisa mapuwe gumi namairi mukati maJorodhani, panga pakaima tsoka dzomapirisita waitwara Areka yeSungano; aripo nanyamasi. 10 Nokuti vapirisiti vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka. 11 Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapirisiti pamberi pavanhu 12 Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi. 13 Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. 14 Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake. 15 Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati, 16 Raira vapirisiti vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani. 17 Naizvozvo Joshua akaraira vapirisiti, akati, Kwirai, mubude mukati maJorodhani. 18 Zvino vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapirisiti dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. 19 Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. 20 Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari. 21 Akataura navana vaIsiraeri, akati, Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, `Mabwe awa anoti kudiniko?' 22 Imwi munodikana kuziisa ana enyu, muchiti, aIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.' 23 Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; 24 kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.