1 Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati: 2 Taura navana vaIsiraeri, uti: `Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMozisi; 3 kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo;' achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa. 4 Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo. 5 Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare. 6 Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupirisiti mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza. 7 Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati-abha (ndiro Zebhuroni) panyika yamakomo yaJudha. 8 Nemhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase. 9 Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.