Ndima 16

1 Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri. 2 Ndokubva Bheti-eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti; 3 Ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa. 4 Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo 5 Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti-horoni kumusoro, 6 zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati-shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa; 7 ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani. 8 Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo, 9 pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo. 10 Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.