1
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
2
Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;
3
kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi.
4
Kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;
5
nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari-gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;
6
Anhu ese panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.
7
Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo''
8
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha,
9
kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;
10
namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;
11
neGiriyadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,
12
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei ndiye wakanga asara pavaRefaimu; nokuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.
13
Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati, asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
14
Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
15
Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.
16
Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;
17
Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti-bhaari, neBheti-bhaari-meoni;
18
neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;
19
neKiriataimi, neSibhima, neZereti-shahari mugomo romupata;
20
NeBheti-peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti-jeshimoti;
21
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
22
Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
23
Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
24
Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
23 Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.