Ndima 1
1
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yedu, kunaFiremoni, mudikanwa wedu neunobata nesu,
2
nekunaApfia, mukunda yedu, nekunaArkipo, murwi pamwepo nesu, nekukereke iri mumba mako.
3
Nyasha nerugare raMwari, ngadzive nemi, Baba vedu, naShe Jesu Kristu, ngadzive nemi.
4
Ndinobonga Mwari wangu nguva dzeshe, ndichikurangarirai pamunyengetero yangu.
5
Ndinozwa zverudo nekutenda kweunako kunaShe Jesu nekuvatsvene veshe.
6
Ndinonyengetera kutikugovana kekutenda kwako kuve nesimba Nekuziisa zvakanaka zveshe zviri mauri munaKristu
Jesu.
7
Nokuti tinomufaro mukuru nekunyaradzwa ngekuda kwe rudo rwako, nekuti moyo yevatswene yakavaraidzwa newe hama yangu.
8
Nokudaro, kunyange ndinekusunungukai keshe munaKristu kukuraira kuita zvaumofanira kuita,
9
kunyange zvakadaro, nokuda kerudo ndinoita zvekukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, murume a chembera, uye zvino musungwa waKristu Jesu.
10
Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pemwana wangu, wandakabereka pakusungwa
kwangu, Onesimo.
11
wakanga asingakubatsiri kare, asi zvinezwi unokubatsira zvikuru, iwewe neni.
12
wandatumirazve kwauri, ena ndiye mwoyo wangu chaizvo.
13
Ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweevhangeri.
14
asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nekumanikidzwa, asi nokuda kwako.
15
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye zvashose,
16
arege kuzova muranda, asi munhu unodarika muranda, ave hama inodikanwa, munyama nomunaShe, zvikuru kwendiri, asi zvikuru kwazvo
17
Hino, kana wechiti ndiri mugovani newe, umuachire sezvaungandiachira inini.
18
Asi kana akakuitira chiro chisinakunaka, kunyange anengava newe, undiravireni izvo.
19
Inini Pauro, ndinozvinyora neruvoko rwangu, ndicharipa; ndisingarewi hangu kuti pamusoro pezveshe unengava kwandiri, ndiyewe umene.
20
Eya, hama, ngandive nemufaro kubva kwauri munaShe. Udzorodze moyo wangu munaKristu.
21
Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuzwisisa kwako, ndechiziya kuti uchaita wo kudarika pandinokumbira napo.
22
Asi panguvaimweyo ndigadzirirewo pekugara pevaenzi, nokuti ndinoemera kuti muchandipuwa inini nekuda kwekunyengetera kwenyu.
23
Epafrasi, musungwa pamwepo neni munaKristu, unokukwazisa.
24
NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, vanobata-basa pamwepo neni.
25
Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu.