1 Yahweh akadaidza Mozisi akataura naye ari, mutende rekusamgana akati: 2 Taura kuwana weIsraeri uti kwaari, kana munhu upi zvake pakati penyu, achiuya nechipiriso kuna Yahweh, ngauye nechipiriso chezvifuwo, zvemombe kana zvamakwai. 3 Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngahape chikono chisina kuremara. ngachibayire pamusoro wetende rekusangana kuti chingamuchirwe pamber paYahweh. 4 anofanira kuisa ruwoko rwake pamusoro pamusoro pechibairo. chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananire. 5 Ngabaye hando diki pamber paYahweh. uye ipapo wanakomana waAroni waprista wachauya neropa wogorisasa paaritari, kumatiwi ose pamusoro ekupinda nawo mutende rokusangana. 6 anofanira kuvhia chipiriso chipiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu. 7 Uye wana waAroni, muprista, wanofanira kuisa moto paaritari, wagoronga huni pamoto. 8 Ipapo wanakomansa waAroni waprista wacharong, a zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paartari. 9 anofanira kungesa nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista apise zvese paaritari. chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nemoto, chinonhuwirira zvinofadza kuna Yahweh. 10 Kana chipiriso chiri chinopiswa, chinobva muzvipfuwo chiri chengwa kana chembudzi, anofanira kupa chikono chisina kuremara. 11 Ngachibaire paruti rwaaritari nechekumusoro pamberi paYahweh, wanakomana waAroni waprista wasase ropa kumatiwi ese eAritari. 12 Zvino iwo akangura zvidimbu uye muprista achaironga pamwechete nemusoro nemafuta pamusoro pehuni, dzichipfuta paAritari. 13 Asi hura nemakumbo ngazvisukwe nemvura, mupirisita azvibaire paAritari, kuti chiwe chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nemoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Yahweh. 14 Kana chipo chake kuna Yahweh chiri chipiriso chinopiswa, chipiriso chshiri, ngawingire chibairo chake chenjiwa, kana twana twenjiwa. 15 Zvino mupirista anofanira kuchiia paAritari. Agodonenzera ropa racho parutiwi rwearitari. 16 zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutiwi rwearitari kumabva zuwa kunoraswa madota. 17 Ipapo anofanira kuibvambura namapiro ayo, asingaiparadzaniswi, mupirisita agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto, icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nemoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Yahweh