Ndima 1

1 Pauro, muranda waKristu Jesu wakadainzwa kuti aite muapositora, 2 wakaketerwa vhangeri raMwari, raakapikira kare nevaporofita vake muZwinhorhwa zwitsvene, 3 ngemaererano neMwanakomana wake, wakabva kudzinza raDhavhidhi panyama, 4 wakagadzwa anesimba neMweya yeutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nekumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu. 5 Nokuda kwake, isusu takaachira nyasha nevapositora, kuti pakati pavahedheni veshe, pave nekuteerera kekutenda nokuda kwezita rake. 6 Mukati menyika idzi, Nemwivo , munodainzwa kuti muve vaJesu Kristu. 7 kune mweshse, vadikanwa vaMwari vari muRoma, vakadainzwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemwi nerugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nekunaShe Jesu Kristu. 8 Pekutanga, ndinobonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mweshe, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yeshe. 9 Nokuti Mwari chapupu changu, ena wandinoshumira mumweya wangu muevhangeri reMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, 10 ndechikumbira nguva dzeshe pakunyengetera kwangu, kuti zvimweni ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari. 11 Nokuti ndinoda zvikuru kumuvona, kuti ndimupe chimwe chipo chemweya, kuti muguinyiswe. 12 Ndokuti inini pamwe chete nemwi ndinyaradzwe pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda komumwe, kwenyu nekwangu. 13 Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazinji ndaida kuvuya kwamuri, (asi kuguma zwino ndino emeswa), kuti ndive nezvibereko kwamurivo, sepakati pavamweni vahedheni. 14 Ndiri vegava kuvaGiriki nokuvatorwa, nekuvaziva nevasina ruzivo. 15 Nazvo, kana kwendiri ndakazvigadzira kumukuparidziravo vhangeri, imwimwi muri paRoma. 16 Nokuti handinyari pamusoro peevhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, uye nemuGirikivo. 17 Nokuti pavangeri kunoratidzwa, kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa: "Wakatendeka uchararama nekutenda". 18 Nokuti kutsamwa kwaMwari kuno khombedzwa nedenga, pamusoro pokusada Mwari kose nokusarurama kwevanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama; 19 nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari. 20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo. 21 Nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumubonga; asi vakafunga zvisina pfungua, nemoyo yavo isineruzivo, ikasvibiswa. 22 Vechi zwiti, tinoziva, vakava mapenzi. 23 Vakachinja kutchenaa kwaMwari kusingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinemakumbo mana, nezvinokambaira. 24 Nazvo Mwari akavapa, mukuchinga kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo, 25 vakatsinjana chokwadi chaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, ena unokudzwa nokusingaperi. Ameni. 26 Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakachinja basa revakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; 27 sezvo vanhu rume vakasiya basa rakasikirwa, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapuwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo. 28 Ngekuti vainga vasina kureremedza ruzivo raMwari, Mwari emene akavapa pfungua yakarashika, kuti vaite zvisakafanira. 29 vakazadzwa nokusatendeka keshe, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve; 30 vareyi, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki, 31 namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni. 32 Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, avasi wanozuiita wega, asi vanotenderana nevanozviita.