Ndima 1
1
Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda zvochokwadi.
2
Mudikanwa, ndinonamata pamusoro pezviro zvese, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako
uchibudirira.
3
Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika djechipupurira chokwadi chako, djechiti, unofamba muchokwadi.
4
Handinamufaro unopinda uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5
Mudikamwa, unobata-basa rakatendeka pazviru zvese zvaunoitira hama navaeni vo;
6
vakapupurira rudo rako pamberi pekeguerejha uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza
nomutovo wakafanira Mwari.
7
Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chiro
kuvahedheni.
8
Naizvozvo isu tinofanira kuhachira zvakanaka vakadaro, kuti tibesane pachokwadi.
9
Ndakatara kunoguerejha; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10
Ngokudaro kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa
namasoko akaipa; uye, hatendi naizvozvo bendji, iye tchokwadi Hanchiri hama, uye vakanga
vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga muguerejha
11
Mudikanwa, uchatevera chakachata, asi
chakanaka. Uyo, anoita chakanaka, ngowaMwari; anoita zvakachata, haana kuvona Mwari.
12
Dhemetirio unopupurirwa novanhu vese, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe
unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
13
Ndakanga ndinozvizhinji zvandaida
kukunyorerai, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14
asi ndinotarira kuti ndichakurumidza
kukuvona, tibuisane nomuromo.
15
Rugare ngarive newe. Hama djinokuchogamidja. djichogamidji hama, mumwe nomumwe nezita rake.