Ndima 1

1 Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda zvochokwadi. 2 Mudikanwa, ndinonamata pamusoro pezviro zvese, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako

uchibudirira.

3 Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika djechipupurira chokwadi chako, djechiti, unofamba muchokwadi. 4 Handinamufaro unopinda uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. 5 Mudikamwa, unobata-basa rakatendeka pazviru zvese zvaunoitira hama navaeni vo;

6 vakapupurira rudo rako pamberi pekeguerejha uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza

nomutovo wakafanira Mwari.

7 Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chiro

kuvahedheni.

8 Naizvozvo isu tinofanira kuhachira zvakanaka vakadaro, kuti tibesane pachokwadi. 9 Ndakatara  kunoguerejha; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

10 Ngokudaro kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa

namasoko akaipa; uye, hatendi naizvozvo bendji, iye tchokwadi Hanchiri hama, uye vakanga

vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga muguerejha

11 Mudikanwa, uchatevera chakachata, asi

chakanaka. Uyo, anoita chakanaka, ngowaMwari; anoita zvakachata, haana kuvona Mwari.

12 Dhemetirio unopupurirwa novanhu vese, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe

unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.

13 Ndakanga ndinozvizhinji zvandaida

kukunyorerai, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14 asi ndinotarira kuti ndichakurumidza

kukuvona, tibuisane nomuromo.

15 Rugare ngarive newe. Hama djinokuchogamidja. djichogamidji  hama, mumwe nomumwe nezita rake.