Ndima 1

1 Mukuru kunamai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati

ndiri ini ndoga, asi navosevo vanoziva chokwadi;

2 nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagaravo nesu nokusingaperi. 3 Nyasha,nengoni,nerugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba nokunaShe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo. 4 Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe

vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarairwa naBaba.

5 Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane. 6 Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. 7 Nekuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu

Kristu wakavuya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu.

8 Zvichenjererei imi, kuti murege

kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.

9 umwe neumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa ndiye unaBaba noMwanakomana. 10 Kana

mumwe achivuya kwamuri, asingavuyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti

kwaari, Kwaziwa!

11 Nokuti unoti kwaari kwaziwai unofambidzana naye pamabasa ake akashata. 12 Kunyangwe ndinezvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora pamwadhi neingi; asi

ndinotarira kuti ndichavuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.

13 Vana vomunun'una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.