Chitsauko 1
1
Judas, muranda waJesu Kristu ne hama ya Jakobho, awa wakadanwa, wanodiwa na Mwari, Baba, uye anochegetedzwa na Jesu Kristu:
2
kuti ngoni, ne rugare uye nerudo ngariwande kwamuri.
3
hama dzangu, kunyangwe ndakanga ndichishigairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro peruponeso ratinowana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa watswene.
4
Nekuti amwe arume wane kutogwa kwawo kwakanyorwa kare: wakapinda mchiwande pakati penyu, warume wahedeni, wanochadura nyasha dzaMwari wedu nekuchiwa upfewe uye anorama mudzidzi wedu umwe chete Ishe Jesu Kristu.
5
Zwino ndinofanira kukucherechedzai, kunyangwe kamwe makaziya zvese, kuti Ishe waponesa wanhu wake, achiwabvisa munyika yeIjipita, asi iye akaparadza waya wasingatende.
6
Uye, kunyangwe kune girozi dzisina kumira pachitsvimbo pawo pesimba, asi wakasiya tsvimbo yekuraramira, Mwari akawasunga nengetani murima risingapere muzuwa rekutogwa zuwa huru.
7
Sezvakafanana, Sodoma, ne Gomora nemaguta angari pedyo nayo, waya waiita upobwe uye waitera kuchiwa kwenyama, wakaswa semufananidzo, wachitambudzika nekuragwa mumuto usingapere.
8
Sezvakafanana, warume awa wanozvipisa mwiri dzawo ne ramagwana rawo, wanoramba simba wachituka ngirozi dzekudenga.
9
Asi, kunyangwe Mikaeri ngerozi yikuru, paakanga wachirwa nadhiabhorosi pamusoro pemwiri yamuzisi, haana kubvira ataura mashoko yekutonga kana yekutoka, asi kunze kweizvi, akati: ''Ishe ngaakutuke''.
10
Naizvozvo warume awa wanotuka zwawasinga zwisise. uye zvinhu zvanozwisisa kubva pakumberekwa kwawo, semuka dzisinga funge, pazvinhu izvi zvinoparadzwa.
11
Iwo! wanofamba nedzira dzaKaini, wanotsauka saBharamu anozvikudza nekuzvitutumadza akaparadzwa paKore
12
Wanhu awa makwapa pamitambo yenyu yerudo. Wanodya nemi wasingatyi wanongozvipa zvekudya iwo chete; makore asina mvura, yakatakurwa nemhepo; miti isisna zwebereko, yakafa zvakapetwakawiri, ikabviswa nemudzi.
13
mafungu yegugwa anopupuma nyadzi dzayo; nyeredzi dzinodzugaira, dzinochegeterwa murima isinga pere.
14
Uye, kune warume awa, Enoke, wechinomwe mudzindza raAdhamu, akadziona, akati: ''Tarira, Ishe waiuya zviuru nezviuru zvewatswene vake
15
kuti annhu ose wazotongwe, uye abate wese wasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari akaita mudzira isina umwari uye namashoko yekutuka akataurwa newaya wasina umwari pamusoro Pake''.
16
Warume awa wanonyunyuta, wapomere, wanozviisa muchiwi chekuchiwa, wanozvirumbidza pachawo, wanobata amwe meso kuti zviwanakire iwo.
17
Naizvozvo, kwamuri, hama dzinodiwa, mucherechedze mashoko amakaudzwa nemaapostora wekare waJesu Kristu.
18
Iwo wakti kwamuri: ''Mazuwa yekupedzisira, kuchawa nawasiki wachitewera kuchiwa kwewahedeni''.
19
Warume awa ndiwo wachaita rupesaniso; ndewenyika uye awana Mweya mutswene.
20
Nokudaro imi, wadikani, zviwakei mukutenda kwenyu kutswene nekunyigetera muMweya Mutswene,
21
zvichegetei murudo rwaMwari, tichimirira mungoni dzaIshe Jesu Kristu kuwopenyu usingapere.
22
Itarai ngoni awo wanokahadzika;
23
bvutai umwe kubva kumoto; uye, kune amwe iwai nengoni ne kutya, nekuguo dzakasvipiswa nenyama.
24
Kune, uya anogona kukuchegetai kuti murege kugumburwauye anokuisai pamberi pekubwinya kwake, musina chipomerwa uye nemudaro mukuru;
25
Mwari chete Muponese wedu, nekuda kwaJesu Kristu Ishe wedu, kubwinya ndekwake, umambo, simba, nguwa dzose, kubva zwino nekusingapere. Ameni.