Genesisi 5
1
2
5Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu.
Â
Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari. 2 Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.â€
Â
3
4
5
Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. 4Â Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana. 5Â Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa
6
7
8
Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi. 7Â Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 8Â Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
9
10
11
Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani. 10Â Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 11Â Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
12
13
14
Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri. 13Â Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 14Â Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
15
16
17
Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. 16Â Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 17Â Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
18
19
20
Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki. 19Â Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 20Â Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
21
22
23
24
Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. 22Â Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 23Â Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24Â Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
25
26
27
Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. 26Â Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 27Â Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
28
29
Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. 29 Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha
30
31
Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 31Â Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
32
Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti