14 Saka akaenda akandodzitora akauya nadzo kuna mai vake, uye vakagadzira nyama inonaka, nenzira chaiyo yaidikanwa nababa vake. 15 Ipapo Rabheka akatora nguo dzakaisvonaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaakanga anadzo mumba: 16 akadzipfekedza mwanakomana wake muduku iye Jakobho. Akafukidzawo namatehwe embudzi, maoko ake uye nenzvimbo dzomutsipa wake dzakanga dzisina mvere. 17 Ipapo akapa kumwanakomana wake Jakobho nyama inonaka nechingwa chaakanga abika. 18 Akaenda kuna baba vake akati, Baba vangu. Vakapindura vakati, Ndiri pano mwana wangu. Ndianiko? 19 Jakobho akati kuna baba vake, Ndini Esau dangwe renyu. Ndaita sezvamandiudza. Ndapota, mukai mudye nyama yemhuka yangu kuitira kuti mundipe maropafadzo enyu. 20 Isaka akabvunza mwanakomana wake akati, Waiwana seiko nokukurumidza zvakadai, mwanakomana wangu? Iye akapindura akati, Jehovha Mwari wenyu aita kuti ndibudirire. 21 Ipapo Isaka akati kuna Jakobho, Swedera pedyo kuti ndikubate, mwana wangu, kuti ndizive kana uri Esau mwanakomana wangu chaiye kana kwete. 22 Jakobho akaswedera kuna baba vake Isaka, iye akamubata akati, Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.Haana kugona kumuziva, nokuti maoko ake aiva nemvere dzakaita sedzomukoma wake Esau; 23 saka akamuropafadza. Akati, Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?
Akapindura akati, Ndini.
24 Akati, Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Akapindura akati, Ndini. 25 Ipapo akati, Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu. Jakobho akaiisa kwaari akadya; uye akauya newaini akanwa. 26 Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, Uya pano mwanakomana wangu unditsvode. 27 Saka akaenda kwaari iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuhwira kwenguo dzake akamuropafadza achiti, Haiwa kunhuhwira kwomwanakomana wangukwakaita sokunhuhwira kwesango
raropafadzwa naJehovha.
28 Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva. 29 Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire.Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe. 30 Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima. 31 Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo. 32 Baba vake Isaka vakamubvunza vakati, Ndiwe aniko? Akapindura akati, Ndini Esau mwanakomana wenyu wedangwe. 33 Isaka akadedera nehasha akati, Ndianiko zvino, avhima mhuka akauya nayo kwandiri? Ndaidya iwe uchigere kusvika uye ndamuropafadza, uye zvirokwazvo acharopafadzwa! 34 Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, Ndiropafadzei neniwo, baba vanguAsi ivo vakati,
35 Munun'una wako auya nokunyengera akatora maropafadzo ako. 36 Esau akati, Haana kutumidzwa zita chairo here rokuti Jakobho? Akandinyengera kaviri kose: Akatora udangwe hwangu, uye zvino atora maropafadzo angu Ipapo akabvunza akati, Ko, hamuna kundichengeterawo kana ropafadzo here?37 Isaka akapindura Esau akati, Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu? 38 Esau akati kuna baba vake, Munongova neropafadzo imwe chete here, baba vangu? Ndiropafadzeiwo, baba vangu Ipapo Esau akachema achiridza mhere. 39 Baba vake Isaka vakamupindura vakati,
Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika,
kure nedova rokudenga kumusoro.
40 uchashumira munununa wako. Asi paunenge woshaya zororouchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.
Jakobho anotizira kuna Rabhani.
41 Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakapiwa nababa vake. Akati mumwoyo make, Mazuva okuchema baba vangu ava pedyo; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho. 42 Rabheka akati audzwa zvakanga zvataurwa nomwanakomana wake mukuru Esau, akatuma munhu kuna Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, Mukoma wako Esau ari kuzvinyaradza nepfungwa dzokuda kukuuraya. 43 Naizvozvo zvino, mwanakomana wangu, chiita zvandinokuudza: Tiza izvozvi uende kuhanzvadzi yangu Rabhani kuHarani. 44 Ugare naye kwechinguva kusvikira shungu dzomukoma wako dzaserera. 45 Mukoma wako paachazenge asisina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira, ini ndichatuma shoko kwauri rokuti uchidzoka kubva ikoko. Ndorasikirwa nemi seiko muri vaviri zuva rimwe chete? 46 Ipapo Rabheka akati kuna Isaka, Ndinosemburwa noupenyu nokuda kwavakadzi vechiHiti ava. Kana Jakobho akatora mukadzi anobva pakati pavakadzi vechiHiti vakaita savava, kurarama kwangu hakungavi namaturo.