chitsauko 16

1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. 2 Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari;  saka akati kuna Abhurama, Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.

Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai.  Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani,

3 Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake. 4  Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake. 5 Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. 6 Mwari ngaatonge pakati pangu newe. Abhurama akati, Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka. Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza. 7 Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri. 8  Uye akati, Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko? Iye akati, Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai 9 Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake. 10  Mutumwa akatizve, Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki. 11 Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari:

Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako.

12 Achava mbongoro yomusango:

ruoko rwake rucharwa navanhu vose

uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye,

uye achararama mukupesana

nehama dzake dzose

13 Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: Ndimi Jehovha anondiona, nokuti akati, Zvino ndaona Iye anondiona. 14  Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi. 15 Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka. 16  Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari.